Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Malachi 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Look—a day is coming, burning like a furnace, when all the arrogant and every wrongdoer will be stubble; that day will set them ablaze, says the Father of heaven's armies, leaving them neither root nor branch. “Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara.
2 But for you who fear my name, the sun of righteousness will rise with healing in its wings, and you'll go out leaping like calves from the stall. Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.
3 You will trample the wicked, for they will be ashes under the soles of your feet on the day I act, says the Father of heaven's armies. Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
4 "Remember the instruction of my servant Moses, the statutes and judgments I commanded him at Horeb for all Israel. “Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhi kuti ipiwe vaIsraeri vose.
5 See, I will send you Elijah the prophet before the great and awesome day of our Father comes. “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika.
6 He will turn the hearts of fathers to their children and the hearts of children to their fathers, so I will not come and strike the land with utter destruction." Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, nemwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]