Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Jesus told them a parable about the need to always pray and never lose heart. Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
2 "In a certain town there was a judge who neither feared God nor respected people. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu.
3 A widow in that town kept coming to him, saying, 'Grant me justice against my opponent.' Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’
4 For a while he refused, but then said to himself, 'Though I don't fear God nor respect people, “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,
5 since this widow keeps troubling me, I'll grant her justice, so she doesn't wear me out with her endless visits.'" asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ ”
6 And the Lord said, "Listen to what the unjust judge says. Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama.
7 Won't our Father bring justice for his chosen ones who cry to him day and night? Will he keep delaying? Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here?
8 I tell you, he will grant them justice quickly. But when the Son of Man comes, will he find faith on earth?" Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
9 He also told this parable to some who trusted in themselves as righteous and despised everyone else: Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati,
10 "Two men went up to the temple to pray, one a Pharisee and the other a tax collector. “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi.
11 The Pharisee stood and prayed about himself: 'God, I thank you I'm not like other people—robbers, wrongdoers, adulterers—or even like this tax collector.' MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu.
12 'I fast twice a week; I give a tenth of all I get.' Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’
13 But the tax collector, standing far off, would not even raise his eyes to heaven, but beat his chest, saying, 'our Father, have mercy on me, a sinner.' “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’
14 I tell you, this man went to his home justified, not the other. Everyone who lifts himself up will be humbled; the one who humbles himself will be lifted up." “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
15 People were even bringing their infants to him to touch them, but the disciples saw this and warned them off. Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura.
16 But Jesus called the children to him and said, "Let the children come to me; don't stop them—the kingdom of our Father belongs to ones like these. Asi Jesu akadana vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
17 Truly I tell you: whoever doesn't accept the kingdom of our Father like a little child will never enter it." Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
18 A certain ruler asked him, "Good Teacher, what must I do to inherit eternal life?" Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?”
19 Jesus said to him, "Why call me good? No one is good except our Father alone. Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga.
20 You know the commandments: 'Do not commit adultery, Do not murder, Do not steal, Do not testify falsely, Honor your father and mother.'" Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ”
21 "All these I have kept since my youth," he said. Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.”
22 Hearing this, Jesus said, "One thing you still lack: sell all you own, give to the poor, and you'll have treasure in heaven; then come, follow me." Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”
23 But when he heard this, he became very sad, for he was extremely rich. Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.
24 Jesus looked at him and said, "How hard it is for the wealthy to enter our Father's kingdom! Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!
25 For it's easier for a camel to pass through a needle's eye than for a rich person to enter our Father's kingdom." Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 Those who heard it asked, "Then who can be saved?" Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?”
27 But he said, "What is impossible for people is possible for our Father." Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
28 Then Peter said, "Look, we have left our own homes and followed you." Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”
29 He said to them, "Truly I tell you: no one has left house, wife, brothers, parents, or children for the sake of our Father's kingdom, Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana mununʼuna, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,
30 who will not receive many times more now, and eternal life in the age to come." asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.”
31 He took the Twelve aside and said, "Look, we're going up to Jerusalem, and all the prophets wrote about the Son of Man will be fulfilled. Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.
32 For he will be handed over to the Gentiles, mocked, insulted, and spit on. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya.
33 They will flog him and kill him, and on the third day he will rise." Pazuva rechitatu achamukazve.”
34 But they understood none of this; this saying was hidden from them, and they did not grasp what was said. Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
35 As Jesus drew near to Jericho, a blind man was sitting by the roadside begging. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha.
36 Hearing a crowd going by, he asked what was happening. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika.
37 They told him, "Jesus of Nazareth is passing by." Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.”
38 So he called out, "Jesus, Son of David, have mercy on me!" Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
39 Those who were in front rebuked him and told him to be quiet, but he cried out all the more, "Son of David, have mercy on me!" Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
40 Jesus stopped and ordered him brought to him. When he came near, Jesus asked, Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,
41 "What do you want me to do for you?" He said, "Lord, let me see again." “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
42 And Jesus said to him, "Receive your sight; your faith has saved you." Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
43 At once he could see and followed Jesus, glorifying our Father. All the people who saw it praised our Father too. Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]