Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He told his disciples, "Offenses are sure to come, but woe to the one they come through! Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo.
2 Better for him to have a millstone hung around his neck and be thrown into the sea than to cause one of these little ones to stumble. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava.
3 "Watch yourselves. If your brother sins, rebuke him, and if he repents, forgive him. Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere.
4 If he sins against you seven times a day, and seven times returns saying, 'I repent,' forgive him." Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.”
5 The apostles said to the Lord, "Increase our faith!" Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!”
6 The Lord said, "If you had faith like a mustard seed, you could tell this mulberry tree, 'Be uprooted and planted in the sea,' and it would obey you. Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai.
7 Which of you with a servant plowing or tending sheep tells him, coming in from the field, 'Come at once, recline at the table'? “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’?
8 Won't he instead say, 'Get my supper ready, dress to serve me while I eat and drink, then you may eat and drink'? Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’?
9 "Does he thank the servant because he did what he was commanded? Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here?
10 So you too, having done all you were commanded, say: 'We are unworthy servants; we've only done our duty.'" Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ”
11 On the way to Jerusalem he was passing along between Samaria and Galilee. Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea.
12 As he entered a village, ten men who had leprosy met him. They stood at a distance, Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure
13 and called out loudly, "Jesus, Master, have mercy on us!" uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!”
14 Seeing them, he said, "Go, show yourselves to the priests." As they went, they were made clean. Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa.
15 One of them, seeing he was healed, turned back, praising our Father loudly, Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru.
16 and he fell on his face at Jesus' feet, giving him thanks. Now he was a Samaritan. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.
17 Jesus said, "Weren't ten made clean? Where are the nine? Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi?
18 Was no one found to return and give glory to our Father except this foreigner?" Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?”
19 And he said to him, "Rise and go; your faith has made you well." Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”
20 Asked by the Pharisees when the kingdom of our Father would come, he answered them, "The kingdom of our Father does not come with observation, Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu,
21 nor will they say, 'Look, here!' or 'There!' For the kingdom of our Father is among you." uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.”
22 He told the disciples, "Days are coming when you will long to see one of the days of the Son of Man, and you won't see it. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni.
23 They will say to you, 'Look, there!' or 'Look, here!' Don't go, don't chase after them. Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera.
24 For as lightning flashes and lights the sky from one edge to the other, so the Son of Man will be in his day. Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake.
25 But first he must suffer many things and be rejected by this generation. Asi anofanira kutanga kumbotambudzika zvikuru uye acharambwa norudzi urwu.
26 As Noah's days were, so will the Son of Man's days be. “Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana woMunhu.
27 They ate, drank, married, and were given in marriage, until the day Noah entered the ark, and the flood came and destroyed them all. Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose.
28 It was the same in Lot's days: eating, drinking, buying, selling, planting, building, “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka.
29 but the day Lot left Sodom, fire and sulfur rained from heaven and destroyed them all, Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose.
30 so will it be on the day when the Son of Man is revealed. “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa.
31 On that day, whoever is on the roof with goods inside must not go down for them; likewise, whoever is in the field must not turn back. Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho.
32 Remember Lot's wife. Rangarirai mukadzi waRoti!
33 Whoever seeks to preserve his life will lose it, but whoever loses his life will keep it. Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa.
34 I tell you, that night two will be in one bed: one will be taken, and the other left. Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa.
35 There will be two women grinding together; one will be taken and the other left." Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
36 Not in this edition Varume vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.”
37 They asked, "Where, Lord?" He said, "Wherever a corpse lies, the vultures will gather there." Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?” Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]