Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He also told his disciples, "A rich man had a manager who was accused of squandering his possessions. Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake.
2 He called him and said, 'What is this I hear about you? Give an account of your management, for you can no longer manage.' Saka akamudana akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’
3 "The manager said to himself, 'What should I do? My master is taking my position from me. I'm not strong enough to dig, and I'm ashamed to beg.' “Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha;
4 I know what to do, so that when I lose this job, people will welcome me into their homes.' ndinoziva zvandichaita kuitira kuti, ndikange ndarasikirwa nebasa rangu pano, vanhu vagondigamuchira mudzimba dzavo.’
5 He called in his master's debtors, one after another, and asked the first, 'How much do you owe my master?' “Saka akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwereti natenzi wake. Akabvunza wokutanga akati, ‘Une chikwereti chakaita sei iwe kuna tenzi wangu?’
6 He said, 'one hundred measures of olive oil.' He told him, 'Take your bill, sit quickly, and write fifty.' “Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’
7 Then he asked another, 'And you, how much do you owe?' 'one hundred measures of wheat,' he said. 'Take your bill,' he told him, 'and write eighty.' “Ipapo akabvunza wechipiri akati, ‘Iwe une chikwereti chakadiniko?’ “Akapindura akati, ‘Zviero zana zvegorosi.’ “Akamuudza kuti, ‘Tora tsamba yako unyore makumi masere.’
8 "The master praised the dishonest manager for acting shrewdly, for this age's children are shrewder with their own generation than the children of light. “Tenzi womuranda uyu akarumbidza mutariri asakarurama uyu nokuti akanga aita nokuchenjera. Nokuti vanhu venyika ino vakachenjera kwazvo pakuita kwavo kukunda vana vechiedza.
9 I tell you, make friends for yourselves with worldly wealth, so that when it fails, they welcome you into eternal dwellings. Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’
10 Whoever is faithful in the least is also faithful in much; whoever is dishonest in the least is also dishonest in much. “Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.
11 If then you weren't faithful with worldly wealth, who will trust you with the true riches? Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi?
12 And if you haven't been faithful with another's things, who will give you what's your own? Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe?
13 No household servant can serve two masters. He will hate one and love the other, or hold to one and despise the other. You cannot serve both our Father and wealth." “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
14 The Pharisees, who loved money, heard all this and were ridiculing him. VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka.
15 He told them, "You justify yourselves before others, but our Father knows your hearts. What is prized among people is detestable to our Father." Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.
16 "The Law and Prophets lasted until John; since then, the good news of the kingdom of our Father is proclaimed, and everyone forces their way into it. “Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri.
17 But it's easier for heaven and earth to pass away than for one stroke of the Law to fail." Zviri nyore kuti denga nenyika zvipfuure pano kuti kavara kaduku koMurayiro kabviswe.
18 "Whoever divorces his wife and marries another commits adultery; marrying a woman divorced from her husband is adultery too." “Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
19 "There was a rich man dressed in purple and fine linen, feasting lavishly every day. “Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose.
20 And a poor man named Lazarus was laid at his gate, covered with sores, Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda
21 wanting to eat the crumbs falling from the rich man's table; even dogs came and licked his sores. uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
22 The poor man died; angels carried him to Abraham's side. The rich man also died and was buried, “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa.
23 and in the grave, in torment, he looked up and saw Abraham far off and Lazarus at his side. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.
24 He cried out, 'Father Abraham, have mercy on me. Send Lazarus to dip his fingertip in water and cool my tongue, for I'm in agony in this flame.' Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’
25 "But Abraham said, 'Child, remember: you received good things in your life, and Lazarus likewise bad things. Now he is comforted here, and you are in anguish. “Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa.
26 Besides all this, a great chasm separates us from you, so those who want to cross from here to you can't, nor can anyone cross from there to us.' Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’
27 "And he said, 'Then I beg you, father, to send him to my father's house, “Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu,
28 for I have five brothers—let him warn them, so they won't also come to this place of torment.' nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’
29 "But Abraham said, 'They have Moses and the Prophets; let them hear them.' “Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’
30 He said, 'No, father Abraham, but if someone from the dead goes to them, they'll repent.' “Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’
31 He told him, 'If they won't listen to Moses and the Prophets, they won't be convinced even if someone rises from the dead.'" “Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]