Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus entered Jericho and was passing through. Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.
2 And there was a man named Zacchaeus; he was a chief tax collector, and he was rich. Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.
3 He wanted to see who Jesus was, but couldn't for the crowd—he was short. Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.
4 He ran ahead and climbed a sycamore tree to see him, since Jesus was about to pass that way. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
5 When Jesus reached the spot, looked up, and said to him, "Zacchaeus, hurry down, for I must stay at your house today." Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.”
6 So he hurried down and welcomed him joyfully. Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
7 Seeing this, everyone grumbled, "He's gone to stay with a sinful man." Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’ ”
8 Zacchaeus stood and said to the Lord, "Look, Lord, I give half my possessions to the poor, and if I've cheated anyone, I'll repay four times as much." Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
9 Jesus told him, "Today salvation has come to this house, since he too is a son of Abraham. Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.
10 For the Son of Man came to seek and to save the lost." Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
11 While they listened, he added a parable, since he was near Jerusalem and they thought our Father's kingdom would appear immediately. Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.
12 So he said, "A nobleman went to a distant land to receive a kingdom for himself and return. Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.
13 Calling ten of his servants, he gave each about three months' wages, saying, "Trade with this until I return." Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’
14 His citizens hated him and sent envoys after him, saying, "We don't want this man ruling over us." “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’
15 "Returning after receiving the kingdom, he called the servants he had given money to, to learn what they had earned. “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
16 The first came, saying, 'Lord, your money has earned ten times as much.'" “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’
17 "He replied, 'Well done, good servant! Since you were faithful in a small matter, take charge of ten cities.'" “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
18 "And the second came, saying, 'Lord, the money you gave me has earned five times as much.'" “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’
19 "And he said to him, 'And you will be in charge of five cities.'" “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’
20 "Then another came, saying, 'Lord, here is your money back, which I kept wrapped in a cloth;' “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.
21 for I was afraid of you, because you're a harsh man: you take what you didn't deposit and reap what you didn't sow." Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
22 He answered, "By your own mouth I judge you, wicked servant! You knew I'm a harsh man, taking what I didn't deposit and reaping what I didn't sow? “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?
23 Why then didn't you put my money in the bank? I'd have collected it with interest when I returned. Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’
24 He said to those standing by, 'Take the money from him and give it to the one with ten times as much.'" “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’
25 "And they said to him, 'Lord, he has ten times as much! “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’
26 I tell you: everyone who has will be given more; but from the one who has none, even what he has will be taken. “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.
27 But bring here these enemies of mine who refused my rule, and slaughter them before me.'" Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ”
28 And when he had said these things, he went on ahead, going up to Jerusalem. Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema.
29 Nearing Bethphage and Bethany, at the Mount of Olives, he sent two of the disciples, Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,
30 saying, "Go into the village ahead. As you enter, you will find a colt tied there, never sat on. Untie it and bring it here. “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.
31 If anyone asks you, 'Why are you untying it?' say, 'The Lord needs it.'" Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ”
32 So those who were sent went away and found it just as he had told them. Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.
33 As they were untying the colt, its owners said to them, "Why are you untying the colt?" Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”
34 And they said, "The Lord needs it." Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”
35 They brought it to Jesus, threw their cloaks on the colt, and set Jesus on it. Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.
36 And as he rode along, they spread their cloaks on the road. Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.
37 As he neared the descent of the Mount of Olives, the whole crowd of disciples began rejoicing, praising our Father loudly for all the mighty works they had seen, Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:
38 saying, "Blessed is the King who comes in the name of our Father! Peace in heaven and glory in the highest!" “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
39 And some of the Pharisees in the crowd said to him, "Teacher, rebuke your disciples." Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!”
40 He answered, "I tell you, if these were silent, the very stones would cry out." Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
41 And when he drew near and saw the city, he wept over it, Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro
42 saying, "If only you had known today what brings you peace! But now it is hidden from your eyes. akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.
43 Days are coming when your enemies will build a barricade around you, surround you, and hem you in on every side, Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.
44 and they will level you and your children within your walls, leaving no stone on another, because you did not recognize the time of your visitation." Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”
45 And he entered the temple and began to drive out those who were selling, Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa.
46 he told them, "Scripture says, 'My house will be a house of prayer,' but you've made it a den of robbers." Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”
47 He taught daily in the temple, while the chief priests, scribes, and leaders of the people looked for a way to kill him, Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.
48 but they found nothing they could do, since all the people hung on his words. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]