Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 One of those days, as Jesus taught the people in the temple and preached good news, the chief priests and scribes came up with the elders, Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.
2 and asked him, "Tell us by what authority you do these things, or who gave you this authority." Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”
3 He answered them, "I also will ask you a question. Tell me: Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,
4 Was the baptism of John from heaven, or from man?" ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”
5 They discussed among themselves: "If we say, 'From heaven,' he'll say, 'Why didn't you believe him?' Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’
6 But if we say 'From man,' all the people will stone us, for they're convinced John was a prophet." Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”
7 So they answered that they did not know where it came from. Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”
8 And Jesus said to them, "Neither will I tell you by what authority I do these things." Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.”
9 He began telling the people this parable: A man planted a vineyard, leased it to tenants, then went abroad for a long time. Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.
10 "At harvest he sent a servant to the tenant farmers for his share of the vineyard's fruit, but they beat him and sent him away empty-handed. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.
11 He sent another servant; they beat him too, humiliated him, and sent him away empty-handed. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.
12 And he sent yet a third, but they wounded this one too and threw him out. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.
13 The vineyard owner said, 'What should I do? I will send my beloved son; perhaps they will respect him.' “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’
14 But seeing him, the tenants reasoned among themselves: 'This is the heir. Let's kill him, so the inheritance becomes ours.' “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’
15 They threw him out of the vineyard and killed him. What then will the vineyard owner do to them? Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?
16 "He will come, destroy those tenants, and give the vineyard to others." Hearing this, they said, "Impossible!" Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”
17 He looked straight at them and asked, "Then what is this that's written: 'The stone the builders rejected became the cornerstone'? Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?
18 Everyone who falls on that stone will be broken to pieces, and when it falls on anyone, it will crush him." Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”
19 The scribes and chief priests wanted to arrest him then and there, knowing he'd told this parable against them—but they feared the people. Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.
20 Watching closely, they sent spies pretending to be honest, to catch him in his words, so as to hand him over to the governor's rule and authority. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.
21 They asked him, "Teacher, we know you speak and teach rightly, favor no one, but truly teach God's way. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.
22 Is it lawful for us to pay taxes to Caesar, or not?" Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”
23 But he saw through their cunning and said, Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,
24 "Show me a coin worth a day's wages. Whose image and inscription is on it?" They said, "Caesar's." “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?”
25 He said to them, "Then give Caesar what's Caesar's, and our Father what's our Father's." Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”
26 They could not trap him in his words before the people, and amazed at his answer, they fell silent. Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.
27 Some Sadducees, who deny there is a resurrection, came and asked him, Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.
28 "Teacher, Moses wrote for us: if a man dies leaving a wife but no children, his brother must marry the widow and raise offspring for him. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.
29 Now there were seven brothers. The first took a wife and died childless. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.
30 And the second, Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.
31 and the third took her, and likewise all seven left no children and died. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.
32 Finally the woman also died. Pakupedzisira, mukadzi akafawo.
33 At the resurrection, then, whose wife will she be? For all seven had married her." Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”
34 And Jesus said to them, "The people of this age marry and are given in marriage, Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.
35 "But those considered worthy to reach that age and the resurrection from the dead neither marry nor are given in marriage. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,
36 For they can no longer die, because they are like angels and children of our Father, children of the resurrection. uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.
37 But even Moses showed the dead are raised, at the bush passage, calling our Father the God of Abraham and of Isaac and of Jacob. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’
38 He isn't God of the dead but of the living, for all are alive to him." Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”
39 Then some of the scribes answered, "Teacher, you have spoken well." Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”
40 For they no longer dared to ask him anything. Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.
41 But he said to them, "How can they say that the Christ is the son of David? Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
42 For David himself says in the Psalms, 'Our Father said to my Lord, "Sit at my right hand, Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi
43 until I make your enemies a footstool for your feet."' kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’
44 David then calls him Lord—how is he his son?" Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”
45 While all the people were listening, he said to his disciples, Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,
46 "Watch out for the scribes, who want to walk in long robes, and love greetings in the marketplaces, the best seats in synagogues, and places of honor at feasts, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
47 who devour widows' houses and pray long prayers for show. They will receive greater condemnation." Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]