Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Looking up, Jesus saw the rich putting their gifts into the temple treasury. Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.
2 He also saw a poor widow putting in two small copper coins. Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.
3 "Truly I tell you," he said, "this poor widow has put in more than all the others. Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.
4 For all these gave gifts from their surplus, but she gave from her poverty all she had to live on." Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”
5 As some were speaking of the temple, decorated with fine stones and gifts dedicated to our Father, he said: Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,
6 "As for what you're looking at, days are coming when not one stone will be left on another—every one will be thrown down." “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.”
7 "Teacher," they asked, "when will these things happen, and what sign will show these things are about to happen?" Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”
8 "Watch out, don't be deceived," he said. "Many will come in my name, saying, 'I am he,' and, 'The time is near.' Don't follow them. Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.
9 When you hear of wars and revolts, don't panic. These must come first, but the end won't follow at once." Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”
10 Then he said to them, "Nation will rise against nation, and kingdom against kingdom. Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.
11 Great earthquakes will strike, with famines and plagues in various places, and terrors and great signs from heaven. Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
12 But before all this, they'll grab you and persecute you, handing you over to synagogues and prisons, hauling you before kings and governors because of my name. “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.
13 This will be your opportunity to bear witness. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.
14 So settle in your hearts not to prepare your defense beforehand, Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.
15 for I will give you words and wisdom no opponent can resist or refute. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.
16 You will be betrayed even by parents and brothers and relatives and friends, and they will kill some of you. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17 You will be hated by everyone for my name's sake. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.
18 But not a hair of your head will perish. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.
19 By your endurance you will gain your lives." Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
20 "When you see Jerusalem surrounded by armies, then know that its desolation has drawn near. “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.
21 Then let those in Judea flee to the mountains, let those in the city leave, and let those in the countryside not enter it, Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.
22 for these are days of judgment, when all that is written will be fulfilled. Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
23 How terrible it will be for pregnant women and nursing mothers in those days! For great distress will fall on the land, and wrath against this people. Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.
24 They will fall by the edge of the sword and be led captive into all nations. Jerusalem will be trampled by the nations until the times of the nations are fulfilled." Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.
25 "There will be signs in sun, moon, and stars, and on earth, nations in distress, confused by the sea's roar and surge. “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.
26 People fainting from fear, dreading what's coming on the world, for the powers of the heavens will be shaken. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.
27 Then they will see the Son of Man coming in a cloud with power and great glory. Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.
28 When these things start, straighten up and lift your heads, for your redemption is near." Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
29 Then he told them a parable: "Look at the fig tree and all the trees. Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.
30 When they sprout leaves, you see for yourselves and know summer is already near. Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.
31 Likewise, when you see these things happen, know the kingdom of our Father is near. Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
32 Truly I tell you, this generation will not pass away until all these things have taken place. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.
33 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away." Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34 "Watch yourselves, or your hearts will be weighed down by wild living, drunkenness, and life's worries, and that day will spring on you suddenly, like a trap. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.
35 For it will come upon everyone living on the face of the whole earth. Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.
36 Keep watch at all times, praying for strength to escape everything about to happen, and to stand before the Son of Man." Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”
37 By day he taught in the temple; at night he went out and stayed on the Mount of Olives. Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,
38 All the people would come to him at dawn in the temple to hear him. uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]