Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now the Feast of Bread Without Yeast, called Passover, was approaching. Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,
2 The chief priests and the scribes were looking for a way to kill him, because they feared the people. uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.
3 Then Satan entered into Judas, the one called Iscariot, who was one of the twelve. Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.
4 He went and conferred with the chief priests and temple officers how he might betray him to them. Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.
5 They were glad and agreed to give him money. Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.
6 He agreed and began looking for an opportunity to betray him to them away from the crowd. Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.
7 Then the day of Unleavened Bread arrived, when the Passover lamb had to be sacrificed. Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.
8 Jesus sent Peter and John, saying, "Go prepare the Passover for us to eat." Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai munotigadzirira Pasika tidye.”
9 They said to him, "Where do you want us to prepare it?" Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”
10 He said, "Once you enter the city, a man carrying a jar of water will meet you. Follow him into the house he enters, Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,
11 "and tell the owner of the house, 'The Teacher says to you: Where is the guest room where I may eat the Passover with my disciples?' mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’
12 And he will show you a large upper room, furnished; prepare it there." Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”
13 They went and found it just as he had told them, and they prepared the Passover. Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.
14 When the hour came, he reclined at table, and the apostles with him. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.
15 He told them, "I have deeply longed to eat this Passover with you before I suffer. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.
16 For I tell you, I won't eat it until it's fulfilled in the kingdom of our Father." Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”
17 Taking a cup and giving thanks, he said, "Take this and divide it among yourselves. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.
18 For I tell you, from now on I will not drink the vine's fruit until our Father's kingdom comes." Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”
19 He took bread, gave thanks, broke it, and gave it to them, saying, "This is my body, given for you. Do this in memory of me." Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”
20 He did the same with the cup after supper: "This cup is the new covenant in my blood, poured out for you. Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.
21 But look—the hand of the one who betrays me is with me on the table. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.
22 The Son of Man goes as determined, but woe to that man through whom he is handed over!" Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”
23 They began asking each other which of them would do this. Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pakati pavo aizoita chinhu ichi.
24 A dispute also arose among them about which of them was the greatest. Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.
25 He said to them, "Kings of nations dominate them, and rulers over them are called benefactors. Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.
26 Not so with you: let the greatest among you become like the youngest, the leader like the one serving. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.
27 Who is greater—the guest at the table or the one serving? The guest, isn't it? Yet I am among you as one who serves. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.
28 "You are those who have stayed with me in my trials, Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.
29 and I confer on you a kingdom, just as my Father conferred one on me, Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,
30 so you'll eat and drink at my table in my kingdom, and sit on thrones judging the twelve tribes of Israel." kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.
31 "Simon, Simon, listen—Satan has demanded to sift all of you like wheat, “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.
32 but I prayed for you, that your faith not fail. Once you have turned back, strengthen your brothers." Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”
33 Peter said, "Lord, I'm ready to go with you to prison and death." Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”
34 Jesus said, "I tell you, Peter: the rooster won't crow today before you deny three times that you know me." Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”
35 He asked, "When I sent you without money bag, knapsack, or sandals, did you lack anything?" "Nothing," they said. Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.”
36 He said to them, "But now, let the one with a money bag take it, and a knapsack too. Let the one without a sword sell his cloak and buy one. Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.
37 For I tell you this Scripture must be fulfilled in me: 'He was counted among sinners.' For what is written about me is coming true." Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”
38 They said, "Lord, look, here are two swords." He said to them, "It is enough." Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.” Akapindura akati, “Zvaringana.”
39 And he went out, as usual, to the Mount of Olives, and the disciples followed him. Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.
40 When he reached the place, he told them, "Pray you don't give in to temptation." Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.”
41 And he withdrew from them about a stone's throw, and knelt down and prayed, Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,
42 saying, "Father, if you are willing, take this cup from me. Yet not my will, but yours, be done." “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”
43 And an angel from heaven appeared to him, strengthening him. Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.
44 In agony he prayed more intensely; his sweat became like great drops of blood falling down to the ground. Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.
45 When he rose from prayer, he came to the disciples and found them asleep from grief, Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.
46 he said to them, "Why are you sleeping? Get up and pray, so you don't yield to temptation." Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”
47 While he was still speaking, a crowd came, led by the one called Judas, one of the twelve. He came up to Jesus to kiss him, Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,
48 but Jesus said to him, "Judas, would you betray the Son of Man with a kiss?" asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”
49 Seeing what was about to happen, those with him said, "Lord, should we strike with the sword?" Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”
50 And one of them struck the servant of the high priest and cut off his right ear. Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.
51 But Jesus answered, "No more of this!" And he touched the ear and healed him. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
52 Then Jesus said to the chief priests, temple officers, and elders who had come out against him, "Have you come out with swords and clubs, as against a robber? Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?
53 Every day I was with you in the temple, and you didn't lay hands on me. But this is your hour, and the authority of darkness." Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”
54 Seizing him, they led him and brought him into the high priest's house; Peter followed at a distance. Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.
55 They lit a fire in the middle of the courtyard and sat together; Peter sat among them. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.
56 But a servant girl, seeing him sitting facing the light, stared at him and said, "This one too was with him." Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”
57 But he denied it, saying, "Woman, I do not know him." Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”
58 Shortly after, another saw him and said, "You too are one of them." But Peter said, "Man, I'm not." Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”
59 About an hour later, another insisted, "This man was certainly with him, for he's a Galilean too." Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”
60 But Peter said, "Man, I don't know what you're saying." Immediately, while he was still speaking, the rooster crowed. Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.
61 The Lord turned and looked at Peter. Peter remembered what the Lord had told him: "Before the rooster crows today, you will deny me three times." Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”
62 And he went out and wept bitterly. Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
63 Now the men who were holding Jesus mocked him as they beat him. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova.
64 They blindfolded him and kept asking, "Prophesy! Who is it that struck you?" Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”
65 And they said many other things against him, insulting him. uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.
66 At daybreak, the people's council of elders convened—chief priests and scribes—and led him away to their council, saying, Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo.
67 "If you are the Christ, tell us." He said to them, "If I tell you, you will not believe, Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,
68 "and if I ask you, you will not answer. uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
69 "But from now on the Son of Man will sit at the right hand of the power of our Father." Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”
70 They all said, "So you are the Son of God?" He said to them, "You say that I am." Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”
71 They said, "What more testimony do we need? For we heard it ourselves from his mouth." Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]