Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Six days before Passover, Jesus came to Bethany, where Lazarus, whom Jesus raised from death, lived. Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa.
2 There they gave him a dinner; Martha served, and Lazarus was one of those at the table with him. Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye.
3 Mary took about a pint of pure nard perfume, expensive, and anointed Jesus' feet, then wiped his feet with her hair. The house filled with the fragrance of the perfume. Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuhwira enaridho, omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Uye imba yakazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.
4 But Judas Iscariot, one of his disciples, the one who was about to betray him, said, Asi mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, uyo akanga achizomupandukira, akazviramba izvozvo akati,
5 "Why was this perfume not sold for about a year's wages and given to the poor?" “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.”
6 He said this not because he cared about the poor, but because he was a thief who kept the money box, taking what was put in it. Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho.
7 So Jesus said, "Leave her alone. She has kept this for the day of my burial. Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu.
8 You will always have the poor among you, but you will not always have me." Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.”
9 A large crowd of Jews learned Jesus was there and came, not only for him but to see Lazarus, whom he had raised from the dead. Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.
10 So the chief priests planned to kill Lazarus as well, Saka vaprista vakuru vakaronga kuurayawo naRazaro,
11 because on account of him many of the Jews were going over and believing in Jesus. nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.
12 The next day, the large crowd that came for the feast heard Jesus was coming to Jerusalem. Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.
13 They took palm branches and went out to meet him, shouting, "Hosanna! Blessed is he who comes in the name of our Father—the King of Israel!" Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”
14 Jesus found a young donkey and rode on it, just as it is written: Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
15 "Do not be afraid, daughter of Zion; look, your king is coming, seated on a donkey's colt." “Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pemhuru yembongoro.”
16 His disciples didn't understand these things at first; but when Jesus was glorified, they remembered these things were written about him, and that they had done these things to him. Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.
17 The crowd that was with him when he called Lazarus from the tomb and raised him from the dead kept testifying. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri.
18 The crowd went to meet him because they heard he had done this sign. Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi.
19 So the Pharisees said to each other, "See, you're accomplishing nothing—the whole world has gone after him." Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!”
20 Now there were some Greeks among those who went up to worship at the feast. Zvino kwakanga kuna vamwe vaGiriki pakati paavo vakanga vakwidza kuMutambo kundonamata.
21 These came to Philip, from Bethsaida in Galilee, and asked him, "Sir, we want to see Jesus." Vakauya kuna Firipi, uyo akanga achibva kuBhetisaidha muGarirea, vaine chikumbiro. Vakati, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”
22 Philip went and told Andrew; then Andrew and Philip went and told Jesus. Firipi akaenda kundoudza Andirea; Andirea naFiripi vakazoudzawo Jesu.
23 Jesus replied to them, "The hour has come for the Son of Man to be glorified. Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe.
24 Truly, truly, I tell you, unless a wheat grain falls to the ground and dies, it stays alone; but if it dies, it bears much fruit. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda.
25 Whoever loves his life loses it; whoever hates his life in this world keeps it for eternal life. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi.
26 Whoever serves me must follow me, so my servant will be where I am. Whoever serves me, my Father will honor him." Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.
27 "Now my soul is troubled. What should I say—'Father, save me from this hour'? But this is why I came to this hour. Father, glorify your name." “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino.
28 Then a voice came from heaven: "I have glorified it, and I will glorify it again." Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.”
29 The crowd standing there heard it and said it thundered; others said an angel spoke to him. Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari.
30 Jesus said, "This voice came for your sake, not mine. Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.
31 Now is the judgment of this world; now the ruler of this world will be cast out. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa.
32 And I, when I am lifted up from the earth, will draw all people to myself." Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.”
33 He said this to show by what kind of death he was going to die. Akareva izvi kuti aratidze mafiro aaizoita.
34 The crowd replied, "We've heard from the Law that the Christ stays forever. How can you say the Son of Man must be lifted up? Who is this Son of Man?" Vanhu vazhinji vakati, “Isu takanzwa kubva paMurayiro kuti Kristu achagara nokusingaperi, saka sei muchiti, ‘Mwanakomana anofanira kusimudzwa’? Ndianiko uyu ‘Mwanakomana woMunhu’?”
35 So Jesus said, "The light is with you a little while longer. Walk while you have light, so darkness doesn't overtake you. Whoever walks in darkness doesn't know where he's going. Ipapo Jesu akati kwavari, “Muchava nechiedza kwechinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, rima risati rasvika. Munhu anofamba murima haazivi kwaanoenda.
36 While you have light, believe in the light, so you become children of light." Having said this, Jesus left and hid from them. Vimbai nechiedza muchinacho, kuti mugova vanakomana vechiedza.” Akati apedza kutaura zvinhu izvi, Jesu akabvapo akazvivanza kwavari.
37 Though he had performed so many signs in their presence, they still would not believe in him, Kunyange zvazvo Jesu akaita zviratidzo zvose izvi pamberi pavo, havana kutongomutenda.
38 so that the word of Isaiah the prophet would be fulfilled, which he spoke: "Father, who has believed our message? And to whom has the arm of our Father been revealed?" Uku kwaiva kuzadziswa kweshoko raIsaya muprofita raakareva achiti: “Ishe, ndianiko akatenda shoko redu, uye ruoko rwaShe rwakaratidzwa kuna aniko?”
39 This is why they could not believe, for Isaiah said again: Nokuda kwaizvozvo havana kugona kutenda nokuti, pane imwe nzvimbo, Isaya anoti:
40 "He has blinded their eyes and hardened their heart, so that they would not see with their eyes, nor understand with their heart, nor turn—and I would heal them." “Akapofumadza meso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nameso avo, varege kunzwisisa nemwoyo yavo, varege kudzoka ndigovaporesa.”
41 Isaiah said these things because he saw Jesus' glory and spoke about him. Isaya akataura izvi nokuti akaona kubwinya kwaJesu uye akataura nezvake.
42 Still, many even of the rulers believed in him, but they didn't admit it because of the Pharisees, so they wouldn't be expelled from the synagogue, Asi nenguva imwe cheteyo kunyange vazhinji pakati pavatungamiri vakamutenda. Asi nokuda kwavaFarisi, havana kupupura kutenda kwavo nokuti vaitya kudzingwa musinagoge;
43 for they loved the glory that comes from people more than the glory that comes from our Father. nokuti vaida kukudzwa kunobva kuvanhu kupfuura kukudzwa kunobva kuna Mwari.
44 Jesus cried out, "Whoever believes in me does not believe in me only, but in the one who sent me. Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma.
45 And whoever sees me sees the one who sent me. Paanonditarisa, anoona iye akandituma.
46 I came into the world as light, so no one who believes in me stays in the darkness. Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima.
47 If anyone hears my words and doesn't keep them, I don't judge him—I didn't come to judge the world, but to save the world. “Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa.
48 Whoever rejects me and doesn't accept my words already has a judge: my spoken word will judge him on the last day. Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.
49 I have not spoken on my own; but the Father who sent me himself commanded me what to say and how to speak. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho.
50 I know his commandment is eternal life, so I say only what the Father told me to say." Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]