Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 A man named Lazarus was sick, from Bethany, the village of Mary and her sister Martha. Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake.
2 Mary—whose brother Lazarus was sick—anointed the Lord with fragrant oil and dried his feet with her hair. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake.
3 So the sisters sent word to him, saying, "Lord, the one you love is sick." Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.”
4 Hearing this, Jesus said, "This sickness won't end in death, but is for the glory of our Father, so the Son of our Father may be glorified through it." Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.”
5 Now Jesus loved Martha and her sister and Lazarus. Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro.
6 So when he heard Lazarus was sick, he stayed two more days where he was. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
7 Then after this he said to the disciples, "Let us go back to Judea." Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”
8 The disciples said to him, "Rabbi, the Jews just now tried to stone you, and you're going back there?" Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”
9 Jesus answered, "Aren't there twelve hours in the day? Anyone who walks by day won't stumble - he sees the light of this world. Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.
10 But if anyone walks at night, he stumbles, because the light is not in him." Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”
11 After this, he told them, "Our friend Lazarus has fallen asleep, but I'm going to wake him." Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”
12 So the disciples said to him, "Lord, if he has fallen asleep, he will get better." Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”
13 Now Jesus had been speaking about his death, but they thought he meant natural sleep. Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
14 So then Jesus told them plainly, "Lazarus has died, Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,
15 I'm glad for your sake I wasn't there, so you'll believe. But let's go to him." uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”
16 So Thomas, called the Twin, told the other disciples, "Let's go too, and die with him." Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”
17 So when Jesus arrived, he found that Lazarus had already been in the tomb four days. Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.
18 Bethany was near Jerusalem, about two miles away, Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,
19 and many of the Jews had come to Martha and Mary to console them about their brother. uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.
20 When Martha heard Jesus was coming, she went to meet him; Mary stayed sitting in the house. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
21 Martha said to Jesus, "Lord, if you had been here, my brother would not have died. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22 But even now I know that whatever you ask of our Father, he will give you." Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
23 Jesus said to her, "Your brother will rise again." Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
24 Martha said to him, "I know he'll rise again in the resurrection on the last day." Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
25 Jesus told her, "I am the resurrection and the life. Whoever believes in me will live, even though he dies, Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
26 and everyone who lives and believes in me will never die. Do you believe this?" uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”
27 She said to him, "Yes, Lord; I believe you are the Christ, the Son of our Father, the one coming into the world." Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
28 After saying this, she went and called her sister Mary privately: "The Teacher is here—he's calling for you." Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”
29 When Mary heard this, she rose quickly and went to him. Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.
30 Jesus had not yet entered the village; he was still where Martha met him. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.
31 The Jews with her in the house, comforting her, saw Mary rise quickly and leave; they followed, thinking she was going to the tomb to weep there. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
32 Mary came to Jesus, saw him, fell at his feet, and said, "Lord, if you had been here, my brother would not have died." Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
33 When Jesus saw her weeping, and the Jews who came with her also weeping, he groaned in spirit and was troubled. Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.
34 And he said, "Where have you laid him?" They said to him, "Lord, come and see." Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?” Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”
35 Jesus wept. Jesu akachema.
36 So the Jews said, "See how he loved him!" Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”
37 But some of them said, "Could this man who opened the blind man's eyes not have kept him from dying?" Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?”
38 So Jesus, again deeply moved in himself, came to the tomb—a cave with a stone against it. Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.
39 Jesus said, "Take away the stone." Martha, the dead man's sister, said to him, "Lord, he must smell by now—he's been dead four days." Akati, “Bvisai ibwe.” Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”
40 Jesus said to her, "Didn't I tell you: if you believe you'll see our Father's glory?" Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?”
41 So they removed the stone. Jesus looked up and said, "Father, I thank you that you heard me. Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.
42 I knew you always hear me, but I said this for the crowd standing here, so they may believe you sent me." Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.”
43 When he had said this, he cried out with a loud voice, "Lazarus, come out!" Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!”
44 The dead man came out, feet and hands bound with strips of linen, and his face wrapped in cloth. Jesus said to them, "Untie him; let him go." Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
45 So many of the Jews who came to Mary and saw what Jesus did believed in him. Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.
46 But some of them went to the Pharisees and told them what Jesus had done. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu.
47 So the chief priests and Pharisees convened the council and said, "What are we doing? For this man performs many signs. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadana musangano weDare Guru ravaJudha. Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka murume ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji.
48 If we leave him alone, everyone will believe in him, and the Romans will come and take away both our place and our nation." Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu nenyika yedu.”
49 But one of them, Caiaphas, high priest that year, told them, "You know nothing at all. Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi!
50 Don't you see it's better for you that one man die for the people than the whole nation perish?" Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.”
51 He didn't say this on his own; as high priest that year, he prophesied Jesus would die for the nation, Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha,
52 not only for the nation, but also to gather into one the scattered children of our Father. uye rusati rwuri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe.
53 So from that day on they plotted to put him to death. Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya.
54 So Jesus no longer moved about openly among the Jews, but withdrew to a town called Ephraim near the wilderness, and stayed there with his disciples. Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake.
55 The Jews' Passover was near, and many went up from the country to Jerusalem before it to purify themselves. Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwidza kuJerusarema kuti vandozvinatsa Pasika isati yasvika.
56 So they looked for Jesus, asking each other as they stood in the temple, "What do you think? Surely he won't come to the feast?" Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?”
57 The chief priests and Pharisees had ordered that anyone who knew his whereabouts must report it, so they could arrest him. Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]