Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Truly, truly, I tell you: whoever doesn't enter the sheepfold through the gate, but climbs in another way, is a thief and a robber. “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
2 But the one who enters by the gate is the shepherd of the sheep. Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.
3 The gatekeeper opens for him, and the sheep hear his voice. He calls his own sheep by name and leads them out. Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.
4 After bringing all his own out, he goes ahead of them, and the sheep follow him because they know his voice. Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
5 They will never follow a stranger—they'll run from him, since they don't know the voice of strangers." Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”
6 Jesus told them this figure of speech, but they didn't grasp what he meant. Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
7 So Jesus said again, "Truly, truly, I tell you, I am the gate for the sheep. Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
8 "All who came before me are thieves and robbers, but the sheep did not listen to them. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9 I am the gate; whoever enters through me will be saved, going in and out, finding pasture. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
10 The thief comes only to steal, kill, and destroy. I came so they may have life, and have it in abundance. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
11 "I am the good shepherd. The good shepherd lays down his life for the sheep. “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
12 The hired hand, not a shepherd, doesn't own the sheep. Seeing the wolf coming, he leaves the sheep and flees—the wolf snatches and scatters them. Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
13 The man runs away because he is a hired hand and cares nothing for the sheep. Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.
14 "I am the good shepherd. I know my own and my own know me, “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,
15 as the Father knows me and I know the Father, and I lay down my life for the sheep. Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
16 I have other sheep not of this fold; I must lead them too, and they will hear my voice. They will become one flock, one shepherd. Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.
17 This is why the Father loves me: I lay down my life only to take it up again. Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
18 No one takes it from me, but I lay it down on my own. I have authority to lay it down, and authority to take it up again. This charge I received from my Father." Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
19 These words brought division among the Jews once again. Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.
20 Many of them said, "He is demon-possessed and out of his mind. Why listen to him?" Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”
21 But others said, "These aren't a demon-possessed man's words. Can a demon open blind eyes?" Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”
22 Then came the Feast of Dedication at Jerusalem. It was winter, Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,
23 and Jesus was walking in the temple, in Solomon's Colonnade. uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.
24 The Jews surrounded him and said, "How long will you hold us in suspense? If you are the Christ, tell us plainly." VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
25 Jesus answered, "I told you, and you don't believe. The works I do in my Father's name testify about me, Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,
26 but you do not believe, because you are not my sheep. asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu.
27 My sheep listen to my voice; I know them, and they follow me. Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
28 I give them eternal life, and they will never perish, and no one will snatch them from my hand. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.
29 My Father, who gave them to me, is greater than all; no one can snatch them out of the Father's hand. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.
30 I and the Father are one." Ini naBaba tiri vamwe.”
31 Again the Jews picked up stones to stone him. VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,
32 Jesus replied, "I have shown you many good works from the Father. For which of these are you going to stone me?" asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”
33 "We're stoning you not for good work," they said, "but for blasphemy, because you, a mere man, claim to be God." Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
34 Jesus answered them, "Is it not written in your Law: 'I have said you are gods'? Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?
35 If he called them 'gods,' to whom the word of my Father came—and Scripture cannot be broken, Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,
36 what about the one the Father set apart and sent into the world? Why accuse me of blasphemy for saying, 'I am the Son of our Father'? zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?
37 "If I am not doing the works of my Father, then do not believe me. Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.
38 But if I do them, even if you won't believe me, believe the works, so you'll know and keep knowing the Father is in me, and I in the Father." Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
39 Again they tried to seize him, but he escaped their grasp. Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.
40 Jesus then went back across the Jordan, to the place where John had first been baptizing, and stayed there. Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko
41 Many came to him, saying, "John performed no sign, but all John said about this man was true." uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
42 And in that place many believed in him. Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]