Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 As Jesus passed by, he saw a man who had been blind from birth. Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu.
2 His disciples asked him, "Rabbi, who sinned, this man or his parents, that he was born blind?" Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
3 "Neither this man nor his parents sinned,' Jesus answered, 'but this happened so the works of our Father might be revealed in him. Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.
4 We must do the works of the one who sent me while it is day; night comes, when no one can work. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.
5 As long as I am in the world, I am the light of the world.'" Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”
6 Saying this, he spat on the ground, made mud from the saliva, and smeared it on the man's eyes. Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.
7 He told him, "Go, wash in the pool of Siloam" (meaning Sent). So the man went, washed, and returned able to see. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
8 Neighbors and those who'd seen him begging before said, "Isn't this the one who used to sit and beg?" Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”
9 Some said, "That's him." Others said, "No, he just looks like him." He kept saying, "I'm the one." Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10 So they asked him, "Then how were your eyes opened?" Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11 He replied, "The man called Jesus made mud, smeared it on my eyes, and told me, 'Go to Siloam and wash.' So I went, washed, and could see." Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12 They said to him, "Where is he?" He said, "I do not know." Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.”
13 They brought the man who had been blind to the Pharisees. Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.
14 Now it was a Sabbath day when Jesus made the mud and opened his eyes. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata.
15 So the Pharisees also asked him again how he had gained sight. He told them, "He put mud on my eyes, and I washed, and I see." Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
16 Some Pharisees said, "This man isn't from God—he doesn't keep the Sabbath." Others said, "How can a sinful man do such signs?" So they were divided among them. Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
17 Again they asked the blind man, "What do you say about him, since he opened your eyes?" He said, "He is a prophet." Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
18 The Jews did not believe he had been blind and gained sight, until they summoned the parents of the man who had gained sight. Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.
19 They asked them, "Is this your son you say was born blind? How then does he now see?" Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”
20 His parents answered, "We know that this is our son and that he was born blind. Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu.
21 But how he now sees, we don't know; or who opened his eyes, we don't know. Ask him—he's an adult; he'll speak for himself." Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.”
22 His parents said this, fearing the Jews, since the Jews had already agreed that if anyone confessed Jesus as the Christ, he would be expelled from the synagogue. Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge.
23 That was why his parents said, "He is of age; ask him." Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”
24 So they called the once-blind man again and said, "Give God the glory. We know this man is a sinner." Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.”
25 He replied, "Whether he's a sinner, I don't know. I know one thing: I was blind, now I see." Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
26 They said to him, "What did he do to you? How did he open your eyes?" Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”
27 He answered them, "I already told you, and you didn't listen. Why do you want to hear it again? Do you also want to become his disciples?" Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
28 And they reviled him, saying, "You are his disciple, but we are disciples of Moses. Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!
29 We know God spoke to Moses, but we don't know where this man is from." Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”
30 The man answered them, "Here's the amazing thing: you don't know where he's from, yet he opened my eyes. Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.
31 We know God doesn't listen to sinners, but if anyone reveres God and does his will, God listens to him. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.
32 Never since the world began has anyone heard of someone opening the eyes of a person born blind. Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu.
33 If this man were not from God, he could do nothing." Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
34 They answered him, "You were born entirely in sin, yet you teach us?" and threw him out. Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.
35 Jesus heard they had thrown him out, and finding him, said, "Do you believe in the Son of Man?" Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”
36 He answered, "And who is he, sir, so I can believe in him?" Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”
37 Jesus said to him, "You have seen him, and it is he who is speaking with you." Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”
38 He said, "Lord, I believe," and he worshiped him. Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
39 Jesus said, "I came into this world for judgment, so those who don't see may see, and those who see may become blind." Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”
40 Some Pharisees with him heard this and said, "Are we blind too?" Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”
41 Jesus told them, "If you were blind, you would have no sin; but since you say, 'We see,' your sin remains." Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]