Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 But Jesus went to the Mount of Olives. Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi.
2 At dawn he came again to the temple; all the people came to him, and he sat down and taught them. Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise.
3 The scribes and Pharisees brought a woman caught in adultery and stood her in the middle. Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka
4 They said to him, "Teacher, this woman was caught in the act of adultery. uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe.
5 Now in the Law, Moses commanded us to stone such women. So what do you say? MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”
6 They said this to test him, seeking grounds to accuse him. But Jesus bent down and wrote on the ground with his finger." Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.
7 When they kept questioning him, he stood up and said to them, "Whichever of you has no sin, cast the first stone at her." Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”
8 And once more he bent down and wrote on the ground. Akakotamazve akanyora pasi.
9 Hearing this, they left one by one, starting with the oldest, until Jesus was left alone with the woman standing there. Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.
10 Jesus stood up and said to her, "Woman, where are they? Has no one condemned you?" Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”
11 She said, "No one, Lord." Jesus said, "I don't condemn you either. Go, and from now on, don't sin anymore." Iye akati, “Hapana, Ishe.” Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Zvino chienda, uye usiye upenyu hwako hwechivi.”
12 Jesus spoke to them again: "I am the world's light. Whoever follows me will never walk in darkness but will have the light of life." Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
13 So the Pharisees said to him, "You are bearing witness about yourself; your testimony is not true." VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”
14 Jesus replied, "Even if I testify about myself, my testimony is true, because I know where I came from and where I'm going; but you don't know where I come from or where I'm going. Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.
15 You judge according to the flesh; I judge no one. Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.
16 Even if I judge, my judgment is true, since I do not judge alone, but I and the Father who sent me. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.
17 In your Law it is written that the testimony of two people is true. Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.
18 I testify about myself, and the Father who sent me testifies about me." Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”
19 They asked, "Where is your Father?" Jesus answered, "You know neither me nor my Father. If you knew me, you would know my Father also." Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?” Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”
20 He said this while teaching in the temple, in the treasury; no one seized him—his hour had not yet come. Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21 So he told them again, "I am going away. You will look for me and die in your sin. Where I am going, you cannot come." Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”
22 So the Jews said, "Will he kill himself, since he says, "You can't come where I'm going"?" Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’ ”
23 He said to them, "You're from below; I'm from above. You're of this world; I'm not of this world. Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handisi wenyika ino.
24 I told you that you'll die in your sins; if you don't believe I AM, you'll die in your sins." Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
25 So they said to him, "Just who are you?" Jesus said to them, "Exactly what I've said from the start. Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Izvozvo zvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.
26 I have much to say and judge about you, but the One who sent me is true; what I heard from him, I tell the world." Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
27 They did not understand that he had been speaking to them about the Father. Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.
28 So Jesus told them, "When you lift up the Son of Man, then you'll know that I AM, and that I do nothing on my own, but say these things as the Father taught me. Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.
29 The one who sent me is with me; he hasn't left me alone, because I always do what pleases him." Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
30 As he was saying these things, many believed in him. Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
31 Jesus then told the Jews who had believed him, "If you remain in my word, you are truly my disciples, Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.
32 and you will know the truth, and the truth will set you free." Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
33 They answered him, "We are Abraham's descendants, never enslaved to anyone. How can you say, 'You will become free'?" Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”
34 Jesus answered them, "Truly, truly, I tell you: everyone who keeps sinning is sin's slave. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi.
35 The slave does not remain in the house forever; the son remains forever. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi.
36 So if the Son sets you free, you will be free indeed. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.
37 I know you are Abraham's descendants; yet you seek to kill me because my word has no space in you. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
38 I speak what I've seen with my Father, and you do what you heard from your father." Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.”
39 They answered, "Abraham is our father." Jesus said, "If you were Abraham's children, you'd do the works Abraham did, Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama.
40 but now you want to kill me—a man who told you the truth I heard from my Father. Abraham didn't do this. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai.
41 You do your father's works." They said to him, "We weren't born of sexual sin. We have one Father—God himself." Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”
42 Jesus said to them, "If God were your Father, you'd love me, for I came from God and am here. I didn't come on my own—he sent me. Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.
43 Why don't you understand my speech? Because you cannot bear to hear my word. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura.
44 You belong to your father, the devil, and want to carry out his desires. He was a murderer from the beginning, not standing in truth, since no truth is in him. When he lies, he speaks from his own nature, since he's a liar and the lie's father. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.
45 But because I tell the truth, you do not believe me. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri!
46 Who among you convicts me of sin? If I speak truth, why don't you believe me? Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi?
47 Whoever is from our Father hears his words; you don't hear because you're not from our Father." Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.”
48 The Jews replied, "Aren't we right in saying that you are a Samaritan and have a demon?" VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?”
49 Jesus answered, "I do not have a demon, but I honor my Father, and you dishonor me. Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza.
50 But I'm not seeking my own glory; our Father seeks it, and he judges. Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi.
51 Truly, truly, I say to you, if anyone keeps my word, he will never see death." Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”
52 The Jews said to him, "Now we know you have a demon. Abraham died, as did the prophets, yet you say, 'Whoever keeps my word will never taste death.' Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu.
53 Are you greater than our father Abraham, who died? The prophets died too! Who do you claim to be?" Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here? Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?”
54 Jesus answered, "If I glorify myself, my glory is nothing. It is my Father who glorifies me, of whom you say, 'He is our God.' Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza.
55 You don't know him, but I know him. If I said I didn't know him, I'd be a liar like you. But I know him and keep his word. Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo.
56 Your father Abraham rejoiced that he would see my day. He saw it and was glad." Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.”
57 So the Jews said to him, "You're not yet fifty years old, and you've seen Abraham?" VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!”
58 Jesus said to them, "Truly, truly, I say to you, before Abraham was, I AM." Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!”
59 So they grabbed stones to throw at him, but Jesus hid himself and slipped out of the temple. Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]