Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, Jesus traveled around Galilee, not wanting to go into Judea because Jewish leaders there were looking for a chance to kill him. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.
2 But the Jewish Festival of Booths was near. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,
3 His brothers told him, "Leave here and go to Judea, so your disciples can also see the works you do. vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.
4 No one seeking public attention hides what he does. If you're doing these things, show yourself to the world." Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
5 For not even his brothers believed in him. Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
6 So Jesus told them, "My time has not yet come, but for you any time is right. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.
7 "The world cannot hate you, but it hates me, because I testify that its works are evil. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.
8 You yourselves go up to the festival; I'm not going up to this festival, since my time hasn't yet fully come." Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”
9 After saying this, he stayed in Galilee. Akati areva izvi, akagara muGarirea.
10 After his brothers went up to the festival, he too went up—not openly, but secretly. Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
11 So the Jewish leaders were looking for him at the festival and asking, "Where is he?" Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
12 Much murmuring about him spread among the crowds: some said, "He's good," others, "No, he misleads the crowd." Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
13 Yet no one spoke about him openly, for fear of the Jewish leaders. Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
14 About the middle of the festival, Jesus went up into the temple and began to teach. Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
15 The Jewish leaders were amazed and asked, "How does this man know so much without training?" VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
16 Jesus answered them, "My teaching isn't mine—it's from the one who sent me. Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.
17 Whoever wants to do our Father's will knows if my teaching is from my Father or I speak on my own. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
18 Whoever speaks on his own seeks his own glory, but whoever seeks the sender's glory is true, with no falsehood in him. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
19 Didn't Moses give you the law? Yet none of you obeys the law. Why are you trying to kill me?" Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
20 The crowd answered, "You have a demon! Who is trying to kill you?" Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
21 Jesus replied, "I did one work, and you are all amazed. Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.
22 "Moses gave you circumcision—not from Moses, but the patriarchs—and you circumcise a man on the Sabbath. Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
23 If a man is circumcised on the Sabbath so the law of Moses isn't broken, why are you angry at me for making a whole man well on the Sabbath? Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
24 Stop judging by appearances, and judge with right judgment." Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
25 Then some Jerusalemites said, "Isn't this the man they want to kill? Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here?
26 Yet he speaks openly, and they say nothing to him. Can the rulers truly know this is the Christ? Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?
27 But we know this man's origin. When the Christ comes, no one will know his origin." Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
28 Then Jesus, teaching in the temple, cried out: "You know me, and know where I'm from. Yet I didn't come on my own—the one who sent me is true, and you don't know him. Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,
29 I know him, because I am from him, and he sent me." asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
30 So they tried to grab him, but no one touched him, because his hour had not yet come. Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.
31 But many in the crowd believed in him, asking, "When the Christ comes, will he do more signs than this man did?" Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
32 The Pharisees heard the crowd murmuring these things about him, so the chief priests and Pharisees sent temple guards to seize him. VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
33 So Jesus said, "I'm with you a little while longer, and then I go to the one who sent me. Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.
34 You will search for me and not find me; you cannot come where I am." Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”
35 So the Jewish leaders asked each other, "Where does he intend to go that we won't find him? Does he intend to go to our people dispersed among the Greeks and teach the Greeks? VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?
36 What does he mean: 'You will look for me, but you will not find me,' and 'Where I am, you cannot come'?" Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”
37 On the last, great day of the festival, Jesus stood and called out, "Whoever is thirsty, let him come to me and drink. Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
38 Whoever believes in me, as Scripture said, rivers of living water will flow from his heart." Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
39 He said this about the Holy Spirit, whom believers in him were to receive; the Spirit had not yet been given, since Jesus had not yet been glorified. Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.
40 When they heard these words, some of the crowd said, "This really is the Prophet." Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”
41 Others said, "This is the Christ." But others asked, "How can the Christ come from Galilee? Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?
42 Doesn't Scripture say the Christ comes from David's line and from Bethlehem, David's village?" Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”
43 So the crowd was divided over him. Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.
44 Some of them wanted to seize him, but no one laid a hand on him. Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.
45 So the temple guards returned to the chief priests and Pharisees, who asked, "Why didn't you bring him?" Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”
46 The guards answered, "No one ever spoke the way this man does." Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”
47 "Have you also been deceived?" the Pharisees answered. VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?
48 "Has any of the rulers or of the Pharisees believed in him? Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?
49 But this crowd, who knows nothing of the law—they are under a curse." Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”
50 Nicodemus, who had gone to Jesus earlier and was one of their own number, asked them, Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,
51 "Does our law condemn a man without first hearing him and finding out what he does?" “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”
52 They replied, "Are you from Galilee too? Search, and see: no prophet arises from Galilee." Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
53 Then they all went home. Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]