1After this, Jesus crossed the Sea of Galilee, also called the Sea of Tiberias.OSCBShure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi),
2A large crowd followed him, because they saw the signs he performed on the sick.OSCBuye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.
3Jesus went up on the mountainside and sat down there with his disciples.OSCBIpapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake.
4Now the Passover, the feast of the Jews, was near.OSCBMutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.
5Looking up, Jesus saw a large crowd approaching and asked Philip, "Where can we buy bread for these people to eat?"OSCBJesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”
6He said this to test Philip, for he himself already knew what he was going to do.OSCBAkabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
7Philip answered him, "200 days' wages of bread isn't enough for each of them to get a little."OSCBFiripi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”
8One of his disciples, Andrew, Simon Peter's brother, said to him,OSCBMumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati,
9"A boy here has five barley loaves and two fish—but what's that for so many?"OSCB“Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”
10Jesus said, "Have the people sit down." Much grass grew there, so about 5,000 men sat down.OSCBJesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu.
11Jesus then took the loaves, gave thanks, and distributed them to those seated; likewise with the fish, as much as they wanted.OSCBIpapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
12When they were full, he told his disciples, "Gather the leftover pieces, so nothing is lost."OSCBVakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”
13So they gathered the fragments left over from the five barley loaves after the people ate, filling twelve baskets.OSCBSaka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
14So when the people saw the sign he did, they said, "This really is the Prophet coming into the world!"OSCBVanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”
15Knowing they meant to come and seize him to make him king, Jesus withdrew again to the mountain alone.OSCBJesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.
16When evening came, his disciples went down to the sea,OSCBNguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa,
17got in a boat and headed across the sea to Capernaum. It was already dark, and Jesus had not yet reached them.OSCBuko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari.
18A strong wind was blowing, and the sea grew rough.OSCBMhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.
19After rowing three or four miles, they saw Jesus walking on the water, approaching the boat, and were afraid.OSCBVakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru.
20But he said to them, "It is I; do not be afraid."OSCBAsi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”
21So they were glad to take him into the boat, and instantly it reached the shore they were heading toward.OSCBIpapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
22The next day, the crowd remaining on the far shore saw that only one boat had been there, that Jesus had not boarded it with his disciples, but that his disciples had gone off alone.OSCBFume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.
23Other boats came from Tiberias near the place where they ate bread after the Lord gave thanks.OSCBIpapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.
24So when the crowd saw Jesus and his disciples weren't there, they got in boats and went to Capernaum to look for Jesus.OSCBVazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
25Finding him across the sea, they asked, "Rabbi, when did you get here?"OSCBVakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”
26Jesus answered them, "Truly, truly, I tell you: you seek me not because you saw signs, but because you ate the loaves and were filled.OSCBJesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.
27Don't work for food that spoils, but for food that lasts to eternal life, which the Son of Man will give you. For on him our Father has set his seal."OSCBMusashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
28Then they said to him, "What must we do to be doing the works of our Father?"OSCBIpapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”
29Jesus answered them, "This is our Father's work: that you believe in the one he sent."OSCBJesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30So they asked him, "What sign will you give, so we may see and believe you? What work will you do?OSCBSaka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko?
31Our ancestors ate manna in the wilderness, as it is written: 'He gave them bread from heaven to eat.'"OSCBMadzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ”
32Jesus told them, "Truly, truly, I tell you: Moses didn't give you the bread from heaven—my Father gives you the true bread from heaven.OSCBJesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.
33For the bread of our Father is he who comes down from heaven and gives the world life."OSCBNokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
34So they said to him, "Lord, give us this bread always."OSCBIvo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”
35Jesus told them, "I am the bread of life. Whoever comes to me will never hunger; whoever believes in me will never thirst.OSCBIpapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36But as I told you, you have seen me and still do not believe.OSCBAsi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino.
37All the Father gives me will come to me, and the one who comes to me I will never drive away.OSCBZvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
38For I came down from heaven not to do my own will, but the will of him who sent me.OSCBNokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma.
39This is the will of him who sent me: that I lose none of all he has given me, but raise them up on the last day.OSCBUye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.
40For this is the will of my Father: that everyone who looks to the Son and believes in him should have eternal life, and I will raise them up on the last day."OSCBNokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”
41So the Jews grumbled about him because he said, "I am the bread that came down from heaven."OSCBIpapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”
42They said, "Isn't this Jesus, Joseph's son, whose father and mother we know? How can he now say, 'I have come down from heaven'?"OSCBVakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”
44"No one can come to me unless the Father who sent me draws him, and I will raise him on the last day.OSCBHakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
45It is written in the Prophets: 'And they will all be taught by our Father.' Everyone who has heard and learned from the Father comes to me.OSCBMuvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
46Not that anyone has seen the Father except the one from him; he has seen the Father.OSCBHakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.
47Truly, truly, I tell you, whoever believes has eternal life.OSCBZvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.
48I am the bread of life.OSCBNdini chingwa choupenyu.
49Your ancestors ate the manna in the wilderness, yet they died.OSCBMadzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.
50This is the bread that comes down from heaven, so anyone may eat it and not die.OSCBAsi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.
51I am the living bread come down from heaven. Whoever eats this bread will live forever. The bread I will give is my flesh, for the life of the world."OSCBNdini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
52Then the Jews argued sharply among themselves, "How can this man give us his flesh to eat?"OSCBIpapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”
53Jesus told them, "Truly, truly, I tell you, unless you eat the flesh of the Son of Man and drink his blood, you have no life in yourselves.OSCBJesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
54Whoever feeds on my flesh and drinks my blood has eternal life, and I will raise him on the last day.OSCBAni naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.
55For my flesh is true food, and my blood is true drink.OSCBNokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.
56Whoever feeds on my flesh and drinks my blood remains in me, and I in him.OSCBAni naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.
57As the living Father sent me and I live because of the Father, so whoever feeds on me will live because of me.OSCBSezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.
58This is the bread that came down from heaven. It is not like the bread your ancestors ate and still died. Whoever feeds on this bread will live forever."OSCBIchi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
59He said these things while teaching in the synagogue at Capernaum.OSCBAkataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
60On hearing it, many of his disciples said, "This is a hard teaching. Who can accept it?"OSCBPavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”
61Aware that his disciples were grumbling about this, Jesus said to them, "Does this offend you?OSCBAchiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?
62"Then what if you see the Son of Man ascending to where he was before?OSCBMuchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!
63The Spirit gives life; the flesh helps nothing. The words I have spoken to you are spirit and life.OSCBMweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
64But some of you don't believe." For Jesus knew from the start who didn't believe, and who would betray him.OSCBAsi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.
65And he said, "This is why I told you: no one can come to me unless the Father enables him."OSCBAkaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
66From this time many of his disciples turned back and no longer walked with him.OSCBKubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
67So Jesus asked the Twelve, "Do you want to leave too?"OSCBJesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”
68Simon Peter answered him, "Lord, to whom should we go? You have the words of eternal life.OSCBSimoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
69We have believed and known you are the Holy One of our Father."OSCBTinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70Jesus answered them, "Have I not chosen you, the Twelve? Yet one of you is a devil."OSCBIpapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”
71He meant Judas, son of Simon Iscariot, one of the Twelve, who was about to betray him.OSCBAkanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.