Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this there was a feast of the Jews, and Jesus went up to Jerusalem. Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha.
2 By the Sheep Gate in Jerusalem is a pool with five covered porches, called Bethesda in Aramaic. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu.
3 In these lay a multitude of the sick—blind, lame, and paralyzed. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo.
4 Not in this edition Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho.
5 One man was there who had been sick for thirty-eight years. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere.
6 Seeing him lying there and knowing he had already been there a long time, Jesus asked, "Do you want to be healed?" Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?”
7 The sick man answered him, "Sir, I have no one to put me in the pool once the water stirs—while I'm on my way, someone else gets in first." Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.”
8 Jesus said to him, "Get up, take up your mat, and walk." Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.”
9 At once the man became well, picked up his mat, and walked. That day was the Sabbath. Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
10 So the Jews told the healed man, "It's the Sabbath—you're not allowed to carry your mat." Naizvozvo vaJudha vakati kumurume uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.”
11 He answered them, "The man who healed me told me, 'Take up your mat and walk.'" Asi iye akapindura akati, “Murume andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ”
12 They asked him, "Who is the man who told you, 'Take it up and walk'?" Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko murume uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”
13 But the healed man didn't know who it was, since Jesus had slipped away into the crowd there. Murume uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.
14 Later Jesus found him in the temple and said, "You are healed now. Stop sinning, or something worse may happen to you." Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora. Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”
15 The man went away and told the Jews that it was Jesus who had made him well. Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa.
16 And so the Jews began persecuting Jesus, because he was doing these things on the Sabbath. Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza.
17 But Jesus answered them, "My Father is working until now, and I too am working." Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.”
18 So the Jews sought even more to kill him: he not only broke the Sabbath but called our Father his own Father, making himself equal to him. Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.
19 So Jesus said to them, "Truly, truly, I tell you: the Son can do nothing on his own, but only what he sees the Father doing. Whatever the Father does, the Son does the same. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo.
20 "For the Father loves the Son and shows him everything he does; he will show him greater works than these, so you will be amazed. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi.
21 For as the Father raises the dead and gives life, so the Son too gives life to anyone he wants. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape.
22 For the Father judges no one, but has entrusted all judgment to the Son, Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,
23 so everyone honors the Son as they honor the Father; whoever doesn't honor the Son doesn't honor the Father who sent him. kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
24 Truly, truly, I tell you: whoever hears my word and believes the one who sent me has eternal life and won't face judgment—they have passed from death to life. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
25 Truly, truly, I tell you, an hour comes, and is now here, when the dead will hear the voice of the Son of our Father, and those hearing will live. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama.
26 For as the Father has life in himself, he gave the Son to also have life in himself. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.
27 And he has given him authority to execute judgment, because he is the Son of Man. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.
28 Don't be astonished at this—an hour is coming when everyone in the tombs will hear his voice, “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake
29 and come out—those who did good, to the resurrection of life; those who did evil, to the resurrection of judgment. uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.
30 By myself I can do nothing. I judge as I hear; my judgment is fair, because I seek not my own will but the will of the One who sent me. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.
31 "If I testify about myself, my testimony is not valid. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo.
32 There is another who testifies about me, and I know his testimony about me is true. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi.
33 You sent messengers to John, and he has testified to the truth. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi.
34 Not that I accept human testimony, but I say these things so that you may be saved. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe.
35 John was a burning, shining lamp, and you were willing to rejoice briefly in his light. Johani akanga ari mwenje waipfuta uye uchivhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake.
36 But I have testimony greater than John's: the works my Father gave me to finish—the very works I'm doing—testify that my Father sent me. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma.
37 And my Father who sent me has himself testified about me. You've never heard his voice or seen his form, Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo,
38 and you don't have his word remaining in you, since you don't believe the one he sent. uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma.
39 You search the Scriptures, thinking they hold eternal life—yet they themselves testify about me, Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu,
40 yet you refuse to come to me so that you may have life. asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.
41 I do not accept glory from people, “Handigamuchiri kurumbidzwa kunobva kuvanhu,
42 but I know you—that you do not have the love of our Father within you. asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu.
43 I have come in my Father's name, and you don't receive me; if another comes in his own name, you'll receive him. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira.
44 How can you believe, when you accept glory from one another and don't seek the glory from the only God? Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga?
45 Don't think I will accuse you before my Father. Moses, in whom you've hoped, accuses you. “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari.
46 For if you believed Moses, you would believe me, because he wrote about me. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu.
47 But if you do not believe his writings, how will you believe my words?" Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]