Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So when Jesus knew the Pharisees heard he was making and baptizing more disciples than John. VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,
2 (though Jesus himself was not baptizing, but his disciples were), kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.
3 he left Judea and went back to Galilee. Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
4 And he had to pass through Samaria. Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.
5 So he came to a town of Samaria called Sychar, near the field Jacob gave his son Joseph. Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.
6 Jacob's well was there. Jesus, tired from the trip, sat down at the well—about noon. Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
7 A woman of Samaria came to draw water. Jesus said to her, "Give me a drink." Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”
8 (For his disciples had gone into the town to buy food.). (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
9 The Samaritan woman said, "You're a Jew; why ask me, a Samaritan woman, for a drink?" (Jews don't associate with Samaritans.). Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
10 Jesus answered her, "If you knew our Father's gift, and who asks you, 'Give me a drink,' you'd have asked him, and he'd have given you living water." Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
11 The woman said to him, "Sir, you have nothing to draw with, and the well is deep. Where then do you get this living water? Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?
12 Are you greater than our father Jacob, who gave us the well, drank from it himself, with his sons and livestock?" Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”
13 Jesus said to her, "Everyone who drinks of this water will be thirsty again, Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve,
14 but whoever drinks the water I give him will never thirst again; that water will become in him a spring of water welling up to eternal life." asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.”
15 The woman said to him, "Sir, give me this water, so I won't get thirsty or come here to draw water." Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
16 Jesus said to her, "Go, call your husband, and come back here." Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”
17 The woman answered, "I have no husband." Jesus told her, "You're right to say you have no husband. Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.
18 For you've had five husbands, and the man you have now isn't your husband. You've spoken the truth." Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”
19 The woman said to him, "Sir, I see that you are a prophet. Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.
20 Our fathers worshiped on this mountain, but you say Jerusalem is where people must worship." Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”
21 Jesus told her, "Woman, believe me: an hour is coming when you'll worship the Father neither on this mountain nor in Jerusalem. Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.
22 You worship what you don't know; we worship what we know—salvation comes from the Jews. Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23 But a time is coming, and now is, when true worshipers worship the Father in spirit and truth—for the Father seeks such worshipers. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
24 The Father is spirit, and those who worship him must worship in spirit and truth." Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
25 The woman said to him, "I know Messiah—the one called Christ—is coming. When he comes, he will tell us everything." Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
26 Jesus said to her, "I am he—the one speaking to you." Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
27 Just then his disciples returned, amazed he was talking with a woman. Yet no one said, "What do you want?" or, "Why talk with her?" Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
28 So the woman left her water jar and went back to town and said to the people, Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,
29 "Come, see a man who told me everything I ever did. Could this be the Christ?" “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”
30 They left the town and were coming to him. Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
31 Meanwhile the disciples were urging him, "Rabbi, eat." Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”
32 But he said to them, "I have food to eat that you know nothing about." Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”
33 So the disciples said to one another, "Has anyone brought him something to eat?" Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”
34 Jesus said to them, "My food is doing the will of the one who sent me and finishing his work. Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
35 Don't you say, 'Four months more, then harvest comes'? Look, I tell you: raise your eyes, see the fields—white for harvest. Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.
36 Already the harvester earns wages, gathering fruit for eternal life, so that planter and harvester may rejoice together. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete.
37 For here the saying holds true: 'One plants and another harvests.' Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’
38 I sent you to reap what you didn't work for. Others worked, and you have entered into their labor." Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
39 Many Samaritans from that town believed in him because of the woman's testimony: "He told me everything I ever did." VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”
40 When the Samaritans came to him, they asked him to stay with them; he stayed two days. Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.
41 And many more believed because of his word. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.
42 They told the woman, "It is no longer because of what you said that we believe—we've heard for ourselves, and we know this man truly is the Savior of the world." Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
43 After the two days he departed from there for Galilee. Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.
44 (For Jesus himself had testified that a prophet has no honor in his own hometown.). Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.
45 When he arrived in Galilee, the Galileans welcomed him, having seen all he did in Jerusalem at the feast—they too had gone to the feast. Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.
46 He went again to Cana in Galilee, where he had turned water to wine. A royal official's son was sick at Capernaum. Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.
47 Hearing that Jesus had come from Judea to Galilee, he went to him and begged him to come down and heal his son, who was about to die. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
48 So Jesus said to him, "Unless you people see signs and wonders, you will never believe." Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
49 The royal official said to him, "Sir, come down before my child dies." Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”
50 Jesus said to him, "Go; your son will live." The man believed what Jesus told him and left. Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.
51 As he was going down, his servants met him and told him that his boy was living. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.
52 So he asked them the hour he improved, and they said, "Yesterday at the seventh hour, the fever left him." Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
53 So the father knew this was the hour when Jesus told him, "Your son will live." He and his whole household believed. Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
54 This was now the second sign that Jesus did when he had come from Judea to Galilee. Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]