Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now there was a man of the Pharisees named Nicodemus, a ruler of the Jews. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimasi, nhengo yedare ravaJudha raitonga.
2 This man came to Jesus at night and said, "Rabbi, we know you are a teacher who has come from our Father, for no one can do these signs you do unless our Father is with him." Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.”
3 Jesus answered, "Truly, truly, I tell you: unless someone is born from above, he can't see the kingdom of our Father." Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.”
4 Nicodemus asked, "How can a man be born when he's old? Can he enter his mother's womb again and be born?" Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!”
5 Jesus answered, "Truly, truly, I tell you, unless one is born of water and the Holy Spirit, he can't enter our Father's kingdom. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya.
6 Born of the flesh is flesh, and born of the Holy Spirit is spirit. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya.
7 Don't be amazed that I said to you, 'You must be born from above.' Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’
8 Wind blows where it wants; you hear its sound but don't know where it comes from or where it goes. So it is with everyone born of the Spirit." Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”
9 Nicodemus said to him, "How can these things be?" Nikodhimasi akati, “Zvingaitika seiko izvi?”
10 Jesus answered him, "Are you the teacher of Israel and yet you do not understand these things? Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi?
11 Truly, truly, I tell you: we speak what we know, we testify to what we've seen, yet you don't accept our testimony. Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu.
12 If I told you earthly things and you don't believe, how will you believe if I tell you heavenly things? Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga?
13 No one has ascended into heaven except the one who descended from heaven, the Son of Man. Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu.
14 As Moses lifted up the serpent in the wilderness, so the Son of Man must be lifted up, Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo,
15 that whoever believes in him may have eternal life. kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi.
16 For our Father so loved the world that he gave his one and only Son, that whoever believes in him will not perish but have eternal life. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
17 For our Father did not send his Son into the world to condemn the world, but so the world could be saved through him. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.
18 Whoever believes in him isn't condemned; whoever doesn't believe is condemned already, for not believing in the name of the one and only Son of our Father. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.
19 This is the judgment: light has entered the world, and people loved darkness more than light because their deeds were evil. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.
20 Everyone who does evil hates the light and won't come to the light, so that his deeds aren't exposed. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.
21 But whoever does the truth comes to the light, so it may be revealed that his works have been done in our Father." Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”
22 After this, Jesus and his disciples went into the Judean countryside, where he stayed with them, baptizing. Shure kwaizvozvo, Jesu navadzidzi vake vakabuda vakaenda kunyika yeJudhea, uko kwaakandogara navo kwechinguva, uye akabhabhatidza.
23 John also baptized at Aenon near Salim, since water was plentiful there, and people came and were baptized, Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa.
24 for John had not yet been put in prison. (Panguva iyi, Johani akanga asati aiswa mutorongo.)
25 Now a discussion arose between some of John's disciples and a Jew over purification. Nharo dzakamuka pakati pavamwe vadzidzi vaJohani nomumwe muJudha pamusoro penyaya dzokuzvinatsa nokushamba.
26 They came to John and said, "Rabbi, the man with you beyond the Jordan, the one you testified about—he's baptizing, and everyone goes to him." Vakauya kuna Johani vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.”
27 John replied, "A person cannot receive even one thing unless it is given him from heaven. Johani akapindura achiti, “Munhu anongogamuchira chete zvaanenge apiwa zvichibva kudenga.
28 You yourselves can testify: I said 'I'm not the Christ, but sent ahead of him.' Imi pachenyu mungandipupurira kuti ndakati, ‘Ini handisini Kristu, asi ndakatumwa mberi kwake.’
29 The one with the bride is the bridegroom—Jesus. The bridegroom's friend, who stands and hears him, rejoices greatly at the bridegroom's voice. So my joy is now complete. Mwenga ndowechikomba. Shamwari inoshandira chikomba inomira ichimunzwa uye inozara nomufaro painonzwa inzwi rechikomba. Mufaro uyo ndowangu, uye iye zvino wakwana.
30 He must increase, but I must decrease." Anofanira kuva mukuru; ini ndinofanira kudukupiswa.
31 The one who comes from above is above all. The one from earth belongs to earth and speaks in an earthly way. The one who comes from heaven is above all. “Uyo anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavose; uyo anobva panyika ndowenyika, uye anotaura somunhu anobva panyika. Uyo anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.
32 He bears witness to what he has seen and heard, yet no one receives his testimony. Iye anopupura zvaakaona nezvaakanzwa, asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.
33 Whoever receives his testimony confirms that our Father is true. Munhu anohugamuchira, anopupura kuti Mwari ndowechokwadi.
34 The one our Father sent speaks our Father's words, for he gives the Holy Spirit without measure. Nokuti uyo akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari, nokuti Mwari anopa Mweya asingayeri.
35 Our Father loves the Son and has given all things into his hand. Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvose mumaoko ake.
36 Whoever believes in the Son has eternal life; whoever disobeys the Son won't see life—our Father's wrath remains on him. Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]