Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 On the third day, a wedding took place in Cana of Galilee; Jesus's mother was there. Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,
2 Jesus and his disciples were also invited to the wedding. uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.
3 When the wine ran out, the mother of Jesus said to him, "They have no wine." Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”
4 "Woman, why are you bringing me into this?" Jesus replied. "My hour has not yet come." Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”
5 His mother said to the servants, "Do whatever he tells you." Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6 Six stone water jars stood there, used for Jewish purification, each holding twenty to thirty gallons. Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
7 Jesus said to them, "Fill the jars with water," so they filled them to the brim. Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
8 He told them, "Draw some out now, and take it to the head steward." So they did. Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo.
9 The master of the banquet tasted the water now wine, not knowing its source—though the servants who drew it knew. So he called the bridegroom aside, Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi
10 and said, "Everyone serves the good wine first, then the lesser once guests are drunk. But you've kept the good wine till now." akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.”
11 Jesus performed this first sign at Cana in Galilee. He revealed his glory, and his disciples believed in him. Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12 After this he went down to Capernaum with his mother, brothers, and disciples, and stayed there a few days. Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanunʼuna vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma.
13 When the Jewish Passover was near, Jesus went up to Jerusalem. Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema.
14 In the temple courts he found sellers of cattle, sheep, and doves, and others sitting at tables exchanging money. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari.
15 He made a whip of cords and drove them all out of the temple courts, sheep and cattle alike, poured out the money-changers' coins, and overturned their tables. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.
16 To the dove sellers he said, "Take these out of here! Don't make my Father's house a marketplace." Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!”
17 His disciples remembered that it is written: "Zeal for your house will consume me." Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
18 So the Jews asked, "What sign will you show us for doing these things?" Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”
19 Jesus answered them, "Destroy this temple, and in three days I will raise it up." Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”
20 They replied, "This temple took forty-six years to build, and will you raise it in three days?" VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”
21 But the temple he had spoken of was his body. Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.
22 After he rose from the dead, his disciples remembered he had said this, and believed the Scripture and the word Jesus had spoken. Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.
23 While he was in Jerusalem at the Passover, many saw the signs he did and trusted in his name. Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake.
24 But Jesus would not entrust himself to them, for he knew all people. Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose.
25 He didn't need anyone's testimony about people—he knew what was in each one. Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]