Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the beginning was the Word, and the Word was with our Father, and the Word was God. Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.
2 He was in the beginning with our Father. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.
3 All things were made through him, and without him not one thing was made that was made. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.
4 In him was life, and the life was the light of all people. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.
5 The light shines in the darkness, and the darkness has not overcome it. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
6 There came a man sent from our Father, whose name was John. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani.
7 He came as a witness, to bear witness about the light, so that all might believe through John's witness. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.
8 He was not the light, but came to bear witness about the light. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza.
9 The true light, which gives light to everyone, was coming into the world. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
10 He was in the world. The world came into being through him, yet did not know him. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.
11 He came to his own, and his own people did not receive him. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.
12 But to all who received him, believing in his name, he gave the right to become children of our Father, Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,
13 children born not of blood nor of the will of flesh nor of the will of man, but of our Father. vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
14 The Word became flesh and lived among us. We saw his glory, the glory of the one and only Son from the Father, full of grace and truth. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
15 John testified about him, crying out, "This is the one I meant: he who comes after me outranks me, since he existed before me." Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ”
16 For from his fullness we have all received, grace upon grace. Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
17 For the law was given through Moses; grace and truth came through Jesus Christ. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
18 No one has ever seen our Father; the one and only God, close beside the Father, has made him known. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
19 This is John's testimony, when the Jews sent priests and Levites from Jerusalem to ask him, "Who are you?" Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.
20 He confessed, and did not deny, but confessed, "I am not the Christ." Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
21 So they asked him, "What then? Are you Elijah?" "I am not," he said. "Are you the Prophet?" "No," he answered. Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.”
22 So they asked, "Who are you? We need to give an answer to those who sent us. What do you say about yourself?" Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
23 He said, "I'm the voice of one crying out in the wilderness, 'Make straight the way of the Lord,' as the prophet Isaiah said." Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”
24 Now they had been sent from the Pharisees. Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa
25 They asked him, "Why baptize, then, if you're not the Christ, nor Elijah, nor the Prophet?" vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”
26 John answered them, "I baptize with water, but among you stands one you do not know, Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.
27 even he who comes after me, whose sandal strap I am not worthy to untie." Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”
28 These things took place in Bethany across the Jordan, where John was baptizing. Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.
29 The next day, seeing Jesus coming toward him, he said, "Look! The Lamb of our Father—Jesus—who takes away the sin of the world! Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
30 This is the one I meant: 'After me comes a man who ranks before me, because he was before me.' Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’
31 I didn't know him, but I came baptizing with water so he would be revealed to Israel." Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”
32 John testified: "I saw the Holy Spirit descend from heaven like a dove and remain on him. Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.
33 I didn't know him, but the one who sent me to baptize with water told me, 'The one you see the Holy Spirit come down and stay on—he is the one who baptizes with the Holy Spirit.' Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’
34 And I have seen and have borne witness that this is the Son of our Father." Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
35 The next day John was standing again with two of his disciples, Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.
36 and looking at Jesus as he walked by, he said, "Look! The Lamb of our Father!" Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
37 The two disciples heard him say this, and they followed Jesus. Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.
38 Jesus turned, saw them following, and asked, "What do you seek?" They said, "Rabbi" (meaning Teacher), "where do you stay?" Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?”
39 He told them, "Come and you will see." So they went and saw where he was staying, and remained with him that day—about four in the afternoon. Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
40 One of the two who heard John speak and followed Jesus was Andrew, Simon Peter's brother. Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu.
41 He first found his own brother Simon and told him, "We've found the Messiah" (meaning Christ). Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).
42 He brought him to Jesus. Jesus looked at him and said, "You are Simon the son of John. You will be called Cephas" (meaning Peter). Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
43 The next day, Jesus decided to leave for Galilee. He found Philip and said, "Follow me." Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
44 Now Philip was from Bethsaida, the city of Andrew and Peter. Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,
45 Philip found Nathanael and told him, "We've found the one Moses wrote of in the Law and the prophets—Jesus, son of Joseph, from Nazareth." Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”
46 Nathanael said, "Can anything good come from Nazareth?" Philip said, "Come and see." Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.”
47 Jesus saw Nathanael approaching and said of him, "Look—a true Israelite, with no deceit in him!" Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
48 Nathanael asked him, "How do you know me?" Jesus answered, "Before Philip called you, while you were under the fig tree, I saw you." Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
49 Nathanael answered him, "Rabbi, you are the Son of our Father! You are the King of Israel!" Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
50 Jesus answered him, "You believe because I told you I saw you under the fig tree? You'll see greater things than these." Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”
51 He told him, "Truly, truly, I say to you, you will see heaven opened, and our Father's angels ascending and descending on the Son of Man." Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]