Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 On the first day of the week, at dawn, they came to the tomb, carrying the spices they had prepared. Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.
2 They found the stone rolled away from the tomb, Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,
3 but when they went in they did not find the body of the Lord Jesus. asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.
4 While they were perplexed about this, suddenly two men stood beside them in dazzling clothes. Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.
5 Frightened, they bowed their faces to the ground. The men asked, "Why seek the living among the dead? Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?
6 He's not here—he's risen. Remember what he told you while still in Galilee, Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
7 that the Son of Man must be handed over to sinful men, be crucified, and rise on the third day." ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ”
8 And they remembered his words, Ipapo vakarangarira mashoko ake.
9 returning from the tomb, they told all this to the eleven and all the rest. Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.
10 Mary Magdalene, Joanna, Mary the mother of James, and the other women with them told these things to the apostles. VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.
11 But these words seemed like nonsense to them, and they did not believe them. Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.
12 Peter got up and ran to the tomb; bending down, he saw only the linen cloths, then went home amazed at what had happened. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
13 That same day two of them traveled to a village called Emmaus, about seven miles from Jerusalem, Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.
14 and they were talking with each other about all these things that had happened. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15 While they were talking and discussing together, Jesus himself drew near and went with them. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;
16 But their eyes were kept from recognizing him. asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.
17 He asked them, "What are you discussing with each other as you walk?" They stopped, looking sad. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.
18 One of them, Cleopas, replied, "Are you the only visitor to Jerusalem who does not know what has happened there these days?" Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”
19 He asked, "What things?" They said, "About Jesus of Nazareth—a prophet powerful in deed and word before our Father and all the people, Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.
20 and how our chief priests and rulers handed him over to a death sentence, and crucified him. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;
21 We'd hoped he was the one to redeem Israel. Yet on top of all this, it's the third day since these things happened. asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.
22 Some women of ours also amazed us—early at the tomb, Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza
23 and not finding his body, they came back saying they'd even seen a vision of angels, who said he was alive. asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.
24 Some of our companions went to the tomb and found it just as the women said, but they did not see him." Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”
25 He said to them, "How foolish you are, and slow to believe all the prophets said! Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!
26 Was it not necessary that the Christ should suffer these things and enter into his glory?" Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”
27 And beginning with Moses and all the Prophets, he explained to them from all the Scriptures everything about himself. Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
28 And they approached the village they were heading to, and he pretended to go farther. Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.
29 But they insisted, "Stay with us—evening is near, the day nearly done." So he went in to stay with them. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.
30 As he reclined with them, he took the bread, blessed it, broke it, and gave it to them. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.
31 And their eyes were opened, and they recognized him. And he vanished from their sight. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.
32 They said to each other, "Weren't our hearts burning within us as he spoke to us on the road, as he opened the Scriptures to us?" Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”
33 That same hour they got up, returned to Jerusalem, and found the eleven and those with them gathered together, Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete
34 saying, "The Lord has risen indeed, and has appeared to Simon!" vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”
35 And they told what happened on the road, and how he was recognized in the breaking of the bread. Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.
36 As they spoke these things, Jesus himself stood among them and said to them, "Peace to you!" Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”
37 But they were startled and frightened and thought they saw a spirit. Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.
38 And he said to them, "Why are you troubled, and why do doubts arise in your hearts? Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?
39 Look at my hands and my feet—it's really me. Touch me and see: a spirit has no flesh and bones, as you see I have." Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”
40 And when he had said this, he showed them his hands and his feet. Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
41 And while they still disbelieved for joy and were marveling, he said to them, "Do you have anything here to eat?" Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”
42 They gave him a piece of broiled fish, Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,
43 and he took it and ate before them. uye akachitora akachidya pamberi pavo.
44 He said to them, "This is what I told you while still with you: everything written about me in the Law of Moses, the Prophets, and the Psalms had to be fulfilled." Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”
45 Then he opened their minds to understand the Scriptures, Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.
46 and told them, "This is written: the Christ must suffer and rise from the dead on the third day, Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu,
47 and that repentance for the forgiveness of sins should be proclaimed in his name to all nations, beginning from Jerusalem. uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
48 You are witnesses of these things. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49 I am sending the promise of my Father on you. Stay in the city until you are dressed with power from on high." Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”
50 And he led them out as far as Bethany, and lifting up his hands he blessed them. Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.
51 While he blessed them, he parted from them and was carried up into heaven. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.
52 And they worshiped him and returned to Jerusalem with great joy, Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.
53 and were continually in the temple blessing our Father. Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]