Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now, before the Passover festival, Jesus knew his hour had come to leave this world to his Father. Having loved his own in the world, he loved them to the end. Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
2 During supper, the devil had already put into Judas son of Simon Iscariot's heart the plan to betray Jesus. Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu.
3 Jesus, knowing that the Father had given everything into his hands, and that he had come from him and was returning to him, Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari,
4 rose from supper, took off his outer clothes, picked up a towel, and tied it around his waist. saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake.
5 Then he poured water into a basin and began washing the disciples' feet, drying them with the towel tied around him. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
6 He came to Simon Peter, who said to him, "Lord, are you going to wash my feet?" Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”
7 Jesus answered him, "You do not realize now what I am doing, but later you will understand." Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
8 "You will never wash my feet," Peter said. Jesus answered, "Unless I wash you, you share nothing with me." Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”
9 Simon Peter said to him, "Lord, not only my feet, but also my hands and head!" Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”
10 Jesus told him, "One who has bathed needs only to wash his feet—he is fully clean. You are clean, but not all of you." Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”
11 He knew who would betray him; that's why he said, "Not all of you are clean." Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.
12 After washing their feet and dressing, he reclined again and said to them, "Do you understand what I have done for you? Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?
13 You call me Teacher and Lord, and rightly so, for that is what I am. Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.
14 So if I, your Lord and Teacher, washed your feet, you too must wash each other's feet. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15 For I have given you an example, that you should do as I have done for you. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.
16 Truly, truly, I say to you, a servant isn't greater than his master, nor a messenger greater than his sender. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
17 If you know these things, you are blessed if you do them. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
18 "I don't mean all of you—I know those I've chosen. But Scripture must be fulfilled: 'The one eating my bread has raised his heel against me.' “Handirevi izvi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuti azorwa neni.’
19 I tell you now, before it happens, so you'll believe, once it happens, that I AM. “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.
20 Truly, truly, I tell you, whoever welcomes someone I send welcomes me, and whoever welcomes me welcomes the one who sent me." Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”
21 After saying this, Jesus, troubled in spirit, testified, "Truly, truly, I tell you, one of you will betray me." Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”
22 The disciples looked at one another, at a loss to know which of them he meant. Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.
23 One of his disciples, the one Jesus loved, was reclining at his side. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.
24 So Simon Peter motioned to him to ask which one Jesus meant. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.”
25 Leaning back against Jesus, he asked him, "Lord, who is it?" Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?”
26 Jesus answered, "It's the one I'll give this bread to, once I've dipped it." Then he dipped the bread and gave it to Judas, son of Simon Iscariot. Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.
27 After Judas took the bread, Satan entered into him. So Jesus told him, "Do quickly what you're doing." Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,”
28 But no one reclining at the table understood why he said this to him. asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari.
29 Since Judas held the money bag, some thought Jesus meant, 'Buy what we need for the feast,' or, 'Give something to the poor.' Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.
30 As soon as Judas had taken the bread, he went out. And it was night. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze. Uye hwaiva usiku.
31 After Judas left, Jesus said, "Now the Son of Man is glorified, and my Father is glorified in him. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari.
32 If my Father is glorified in him, my Father will also glorify the Son in himself and glorify him immediately. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo.
33 Dear children, I'm with you a little longer. You'll look for me, and as I told the Jewish leaders, so I tell you now: where I'm going, you can't come. “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako.
34 I give you a new command: love one another. As I have loved you, so you must love one another. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.
35 By this everyone will know that you are my disciples, if you love one another." Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
36 Simon Peter said to him, "Lord, where are you going?" Jesus answered, "Where I'm going you can't follow me now, but you'll follow later." Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?” Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.”
37 Peter asked, "Lord, why can't I follow you now? I'll lay down my life for you." Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.”
38 Jesus replied, "You will lay down your life for me? Truly, truly, I tell you: the rooster won't crow until you have denied me three times." Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]