Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Do not let your hearts be troubled. Believe in our Father; believe also in me. “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
2 In my Father's house are many rooms. If it were not so, would I have told you that I am going to prepare a place for you? Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
3 And if I go and prepare a place for you, I'll come back and take you to myself, so you'll be where I am. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
4 And you know the way to where I am going." Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.”
5 Thomas said to him, "Lord, we don't know where you're going—how can we know the way?" Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”
6 Jesus told him, "I am the way, and the truth, and the life. No one comes to the Father except through me. Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
7 Had you known me, you would have known my Father too. Starting now, you know him and have seen him." Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
8 Philip said to him, "Lord, show us the Father, and that will be enough for us." Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.”
9 Jesus said, "Philip, I've been with you this long, and you don't know me? Whoever has seen me has seen the Father. How can you say, 'Show us the Father'? Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
10 Don't you believe I'm in the Father, and the Father in me? The words I speak to you aren't my own—the Father living in me does his works. Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.
11 Believe me: I'm in the Father, the Father in me—or else believe because of the works themselves. Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.
12 Truly, truly, I tell you, whoever believes in me will do the works I do, and will do even greater works, because I am going to the Father. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
13 Whatever you ask in my name, I will do it, so the Father may be glorified in the Son. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.
14 If you ask me anything in my name, I will do it. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
15 "If you love me, you will keep my commandments. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
16 And I will ask the Father, and he will give you another Helper, the Holy Spirit, to be with you forever, Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,
17 the Spirit of truth, whom the world cannot receive, since it neither sees him nor knows him. But you know him, since he remains with you and will be in you. iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.
18 I will not leave you as orphans; I will come to you. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
19 Soon the world won't see me anymore, but you will see me. Because I live, you will live too. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.
20 On that day you'll know: I'm in my Father, you in me, and I in you. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.
21 Whoever has my commandments and keeps them loves me, and my Father will love whoever loves me. I will love him and show myself to him." Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
22 Judas, not Iscariot, asked, "Lord, why show yourself to us and not to the world?" Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”
23 Jesus replied, "Anyone who loves me will keep my word, and my Father will love that person, and we will come to them and make our home with them. Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
24 Whoever doesn't love me doesn't keep my words. And the word you hear isn't mine but the Father's who sent me. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
25 I have spoken these things to you while I am still with you. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.
26 But the Helper, the Holy Spirit, whom the Father will send in my name, will teach you everything and remind you of everything I said to you. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
27 Peace I leave you; my own peace I give you. Not as the world gives, I give it. Don't let your hearts be troubled or afraid. Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
28 You heard me say to you, 'I'm going away, and I'm coming to you.' If you loved me, you'd have rejoiced, because I'm going to the Father, for the Father is greater than I. “Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
29 And now I've told you before it happens, so that when it happens you'll believe. Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda.
30 I won't talk with you much longer—this world's ruler is coming. He has no hold on me, Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri,
31 but I do exactly as the Father commanded me, so the world may know I love the Father. Get up, let's leave this place." asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]