Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "I am the true vine, and my Father is the gardener. “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
2 Every branch in me not bearing fruit, he removes; and every one bearing fruit, he prunes, so it bears more fruit. Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.
3 You are already clean because of the word I have spoken to you. Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri.
4 Remain in me, and I in you. As a branch can't bear fruit alone, unless it remains in the vine, neither can you unless you remain in me. Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.
5 I am the vine, you the branches. Whoever remains in me, and I in them, bears much fruit, for apart from me you can do nothing. “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6 Anyone not remaining in me is thrown out like a branch and withers; branches are gathered, thrown into the fire, and burned. Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.
7 If you remain in me and my words remain in you, ask whatever you want, and it will happen for you. Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
8 This is how my Father is glorified: that you bear much fruit and prove to be my disciples. Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.
9 "As the Father has loved me, so I have loved you. Remain in my love. “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu.
10 If you keep my commands, you will remain in my love, as I have kept my Father's commands and remain in his love. Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo.
11 I've told you this so my joy may be in you, and your joy be complete. Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
12 "This is my command: love one another as I have loved you. Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai.
13 No one has greater love than this: to lay down one's life for one's friends. Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
14 You are my friends if you do what I command you. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.
15 I no longer call you servants—a servant doesn't know what his master does. I call you friends, since I've made known to you everything I heard from my Father. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai.
16 You didn't choose me—I chose you and placed you to go, bear fruit that lasts, so whatever you ask the Father in my name, he'll give you. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
17 This is my command to you: love one another. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
18 "If the world hates you, know that it hated me first. “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini.
19 If you were of the world, the world would love you as its own. But you are not of the world; instead, I chose you out of the world, so the world hates you. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.
20 Remember what I told you: a servant isn't greater than his master. If they persecuted me, they'll persecute you too; if they kept my word, they'll keep yours too. Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.
21 But they'll do all this to you because of my name, since they don't know the one who sent me. Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma.
22 Had I not come and spoken to them, they would have no sin; now they have no excuse for their sin. Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo.
23 Whoever hates me hates my Father as well. Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu.
24 Had I not done among them the works no one else did, they would have no sin. But now they have seen and hated both me and my Father. Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu.
25 But this happened to fulfill what is written in their Law: 'They hated me without cause.' Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’
26 "When the Helper comes, whom I will send you from the Father—the Spirit of truth proceeding from the Father—he will testify about me. “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.
27 "And you also must testify, because you have been with me from the beginning." Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]