Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "I have told you all this so that you will not fall away. “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka.
2 They will expel you from synagogues; but the hour is coming when whoever kills you will think he offers a service to God. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.
3 They will do this because they have not known the Father or me. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.
4 But I've told you this so that when their hour comes, you'll remember I told you. I didn't tell you this from the start, because I was with you. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.
5 "But now I'm going to him who sent me, and none of you asks me, 'Where are you going?' “Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’
6 Instead, because I have said these things to you, sorrow has filled your heart. Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.
7 I tell you the truth: my going is for your good. If I don't go, the Helper, the Holy Spirit, won't come to you. But if I go, I will send him to you. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8 And when he comes, he will convict the world concerning sin and righteousness and judgment: Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:
9 concerning sin, because they do not believe in me; pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;
10 concerning righteousness, because I am going to my Father and you will see me no longer; pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;
11 concerning judgment, because the ruler of this world has been judged. uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.
12 "I still have many things to say to you, but you cannot bear them now. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.
13 But when he, the Spirit of truth, comes, he will guide you into all truth. He won't speak on his own, but will speak whatever he hears, and will tell you what is coming. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
14 He will glorify me, for he will take what is mine and tell it to you. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.
15 All my Father has is mine; that's why I said he takes from what is mine and will tell you. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
16 "Soon you'll no longer see me; then soon again you'll see me." “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”
17 So some of his disciples asked each other, "What does he mean: 'In a little while you will not see me, and then in a little while you will see me,' and, 'Because I am going to the Father'?" Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”
18 So they kept saying, "What does he mean, 'a little while'? We don't know what he's talking about." Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”
19 Jesus knew they wanted to ask him, so he said to them, "Are you asking each other what I meant by saying, 'In a little while you will not see me, and then a little while you will see me'? Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’?
20 "Truly, truly, I tell you: you will weep and mourn, but the world rejoices. You'll grieve, but your grief will become joy. Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.
21 A woman in labor has pain because her hour has come; but once she gives birth, she forgets the anguish, because she is joyful that a person has been born into the world. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.
22 So you also have sorrow now, but I will see you again, and your heart will rejoice, and no one will take your joy from you. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.
23 In that day you will ask me nothing. Truly, truly, I tell you: whatever you ask my Father in my name, he will give you. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
24 Until now you've asked nothing in my name. Ask, and you will receive, so your joy may be complete. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
25 I've told you these things in figures. The hour is coming when I'll no longer speak in figures, but tell you plainly about my Father. “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.
26 That day you'll ask in my name, and I'm not telling you I'll ask my Father on your behalf; Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.
27 for the Father himself loves you, because you've loved me and believed I came from our Father. Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
28 I came from my Father and entered the world; again, I leave the world, going to my Father." Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.”
29 His disciples said, "Now you are speaking plainly and not using any figure of speech! Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.
30 Now we know you know everything and need no one to ask you questions; so we believe you came from our Father." Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”
31 Jesus replied, "Do you now believe? Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?
32 "See, the hour is coming—has come—when you'll be scattered, each to his own home, leaving me alone. Yet I'm not alone; my Father is with me. Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.
33 I've told you this so you may have peace in me. In the world you'll face trouble, but take heart—I've overcome the world." “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]