Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After saying this, Jesus looked up to heaven and said: "Father, the hour has come. Glorify your Son, so the Son may glorify you, Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.
2 since you gave him authority over all people, to give eternal life to all you gave him. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa.
3 This is eternal life: that they know you, the only true Father, and Jesus Christ whom you sent. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
4 I glorified you on the earth, having finished the work you gave me to do. Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite.
5 Father, glorify me now with yourself, with the glory I had with you before the world existed. Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
6 I revealed your name to those you gave me from the world. They were yours; you gave them to me, and they have kept your word. “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu.
7 Now they know that everything you have given me is from you, Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri.
8 for I gave them the words you gave me; they received them, truly knew I came from you, and believed you sent me. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
9 I pray for them, not for the world, but for those you gave me, since they are yours. Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.
10 Everything mine is yours, and yours is mine, and I am glorified in them. Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
11 I'm no longer in the world, but they are in the world, and I'm coming to you. Holy Father, keep them in your name, the name you gave me, so they may be one as we are. Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
12 While with them, I kept them in your name you gave me. I guarded them—none was lost except the son of destruction, so Scripture would be fulfilled. Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
13 Now I come to you, and I say these things in the world so they may have my joy completed in themselves. “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
14 I've given them your word; the world hated them, since they're not of the world, just as I'm not of the world. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
15 I don't ask you to remove them from the world, but to guard them from the evil one. Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
16 They are not of the world, just as I am not of the world. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
17 Make them holy by truth; your word is truth. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.
18 As you sent me into the world, so I have sent them into the world. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika.
19 For them I make myself holy, so they too may be made holy in truth. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
20 I pray not only for these, but also for those who will believe in me through their word. “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo,
21 Father, let them all be one, as you're in me and I in you, so they're in us too, and the world believes you sent me. kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
22 The glory you have given me, I have given them, so they may be one as we are one. Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe:
23 I in them and you in me, so they may be made completely one, so the world may know you sent me and loved them as you loved me. imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
24 Father, I want those you gave me to be with me where I am, to see my glory, which you gave me because you loved me before the world was made. “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
25 Righteous Father—the world doesn't know you, but I know you, and these know you sent me. “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma.
26 I have made your name known to them, and will keep making it known, so the love you loved me with may be in them, and I in them." Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]