Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After saying these things, Jesus went out with his disciples across the Kidron Valley, where a garden stood; he and his disciples entered it. Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake akayambuka Mupata weKidhironi. Parutivi penzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo.
2 Judas the betrayer knew the place too, since Jesus often gathered there with his disciples. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake.
3 So Judas came there with a detachment of soldiers and officers from the chief priests and Pharisees, carrying lanterns, torches, and weapons. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.
4 So Jesus, knowing all that was coming on him, went out and said to them, "Who are you looking for?" Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Munotsvaka ani?”
5 They answered him, "Jesus of Nazareth." Jesus said, "I AM." Judas, his betrayer, stood with them. Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.)
6 When Jesus said to them, "I AM," they drew back and fell to the ground. Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7 So he asked them again, "Who are you looking for?" And they said, "Jesus of Nazareth." Akapamhazve kuvabvunza achiti, “Ndianiko wamunoda?” Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”
8 Jesus answered, "I told you I AM. So if you're looking for me, let these men go." Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”
9 This fulfilled Jesus's own word: "I have not lost a single one of those you gave me." Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”
10 So Simon Peter drew his sword, struck the high priest's servant, and cut off his right ear—the servant named Malchus. Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)
11 So Jesus told Peter, "Sheath your sword. Shouldn't I drink the cup my Father has given me?" Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”
12 Then the troops, their commander, and the Jewish officers seized Jesus and tied him up. Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga.
13 They took him to Annas first, for he was father-in-law to Caiaphas, high priest that year. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro.
14 Caiaphas was the one who advised the Jews: better one man die for the people. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu.
15 Simon Peter and another disciple followed Jesus. That disciple was known to the high priest, so he entered with Jesus into the high priest's courtyard, Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru,
16 but Peter stood outside at the door. So the other disciple, known to the high priest, went out, spoke to the servant girl who kept the door, and brought Peter in. asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati.
17 The servant girl guarding the door said to Peter, "You also are not one of this man's disciples, are you?" He said, "I'm not." Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Iye akapindura akati, “Handisi.”
18 The servants and officers, feeling the cold, had lit a charcoal fire and stood warming themselves; Peter stood with them, warming himself. Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.
19 The high priest then questioned Jesus about his disciples and his teaching. Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake.
20 Jesus answered him, "I spoke openly to the world; I always taught in synagogues and in the temple, where all the Jews gather. I said nothing in secret. Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande.
21 Why ask me? Ask those who heard what I said to them; they know what I said." Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.”
22 At this, one of the guards nearby slapped Jesus, saying, "Is that how you answer the high priest?" Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?”
23 Jesus answered him, "If I spoke wrongly, testify about the wrong; but if rightly, why do you strike me?" Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?”
24 Then Annas sent him, still bound, to Caiaphas the high priest. Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru.
25 Simon Peter, meanwhile, stood warming himself. They said, "Aren't you also one of his disciples?" He denied it: "I'm not." Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.”
26 One of the high priest's servants, a relative of the man whose ear Peter cut off, asked, "Didn't I see you with him in the garden?" Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?”
27 Peter again denied it, and at once a rooster crowed. Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira.
28 Then they led Jesus from Caiaphas to the governor's headquarters. It was early morning. They themselves didn't enter, so they wouldn't be made unclean but could eat the Passover. Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika.
29 So Pilate went out to them and said, "What accusation do you bring against this man?" Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?”
30 They answered him, "If this man weren't doing wrong, we wouldn't have handed him over to you." Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.”
31 Pilate said, "Take him yourselves and judge him by your own law." The Jews said, "We're not permitted to execute anyone." Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.”
32 This fulfilled the word Jesus had spoken, showing what kind of death he was about to die. Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe.
33 So Pilate went back into the headquarters, summoned Jesus, and asked, "Are you the King of the Jews?" Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”
34 Jesus answered, "Are you saying this on your own, or did others tell you about me?" Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?”
35 Pilate replied, "Am I a Jew? Your own nation and chief priests handed you over to me. What have you done?" Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?”
36 Jesus answered, "My kingdom isn't from this world. If it were, my servants would fight against my being handed to the Jews. But my kingdom isn't from here." Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”
37 Then Pilate said to him, "So you are a king?" Jesus answered, "You say I'm a king. I was born for this, and I came into the world for this—to testify to the truth. Everyone who belongs to the truth hears my voice." Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”
38 Pilate asked, "What is truth?" Then he went out to the Jews again and said, "I find nothing wrong in him. Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu.
39 But you have a custom: I release one man to you at Passover. So do you want me to release the King of the Jews to you?" Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?”
40 They cried out again, "Not this man, but Barabbas!" Now Barabbas was a robber. Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]