Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Pilate took Jesus and had him flogged. Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe.
2 The soldiers wove a crown of thorns, put it on his head, and wrapped a purple robe around him. Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru
3 They kept coming to him, saying, "Hail, King of the Jews!" and slapped his face. vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso.
4 Pilate went out again and said to them, "Look, I'm bringing him out to you, so you'll know I find no fault in him." Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.”
5 So Jesus came out wearing the crown of thorns and the purple robe. Pilate told them, "Here is the man!" Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”
6 When the chief priests and guards saw him, they shouted, "Crucify him! Crucify him!" Pilate told them, "Take him yourselves and crucify him, since I find no guilt in him." Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”
7 The Jews answered him, "We have a law; by that law he must die, because he made himself the Son of God." VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.”
8 When Pilate heard this, he was even more afraid. Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya,
9 He went into headquarters again and asked Jesus, "Where are you from?" But Jesus gave him no answer. uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura.
10 So Pilate said to him, "You won't speak to me? Don't you know I have authority to release you, and authority to crucify you?" Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”
11 Jesus answered him, "You would have no authority over me at all unless it had been given you from above. That is why the one who handed me over to you bears the greater sin." Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”
12 From then on, Pilate tried to release him, but the Jews cried out, "If you release him, you're no friend of Caesar. Anyone who makes himself king opposes Caesar." Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”
13 Hearing these words, Pilate brought Jesus out and sat on the judgment seat at a place called Stone Pavement—Gabbatha in Aramaic. Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata).
14 It was Passover Preparation Day, about noon. He told the Jews, "Here is your King!" Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”
15 They yelled, "Take him away! Take him away! Crucify him!" Pilate asked them, "Crucify your king?" The chief priests answered, "We have no king but Caesar." Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”
16 So then he handed him over to them to be crucified. So they took Jesus, Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Saka varwi vakatora Jesu.
17 carrying his own cross, he went out to the place called The Place of a Skull, called Golgotha in Aramaic. Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru).
18 There they crucified him, with two others, one on each side, Jesus in the middle. Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati.
19 Pilate also wrote a sign and put it on the cross: Jesus of Nazareth, King of the Jews. Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: jesu wenazareta, mambo wavajudha.
20 Many Jews read this sign, since the place Jesus was crucified was near the city; it was written in Aramaic, Latin, and Greek. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki.
21 So the Jewish chief priests said to Pilate, "Don't write 'The King of the Jews,' but 'This man said, I am King of the Jews.'" Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu akazviti mambo wavaJudha.’ ”
22 Pilate answered, "What I have written, I have written." Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.”
23 After crucifying Jesus, the soldiers took his clothes and split them into four shares, one per soldier, and took the tunic too. The tunic was seamless, woven in one piece from top to bottom. Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
24 So they said to each other, "Let's not tear it, but cast lots for who gets it." This was to fulfill the Scripture that says, "They divided my clothes among themselves, and cast lots for my garment." So the soldiers did this. Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.
25 His mother, his mother's sister, Mary wife of Clopas, and Mary Magdalene stood near Jesus' cross. Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena.
26 Seeing his mother and the disciple he loved standing there, Jesus told her, "Woman, here is your son." Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,”
27 Then he said to the disciple, "Here is your mother." From that hour, the disciple took her into his home. uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.
28 After this, knowing all was now finished, Jesus said, to fulfill Scripture, "I am thirsty." Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.”
29 A jar full of sour wine sat there; they soaked a sponge in it, fixed it on a hyssop stalk, and lifted it to his mouth. Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu.
30 Jesus took the sour wine and said, "It is finished." He bowed his head and gave up his spirit. Akati anwa Jesu akati, “Zvapera.” Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.
31 Since it was Preparation Day, and they didn't want the bodies remaining on the cross during the Sabbath—that Sabbath was a special day—the Jews asked Pilate to break their legs and remove the bodies. Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe.
32 So soldiers came and broke the legs of the first man, then the other crucified with him. Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho.
33 But coming to Jesus, seeing he was already dead, they didn't break his legs. Asi vakati vasvika pana Jesu, uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake.
34 But one of the soldiers pierced his side with a spear, and blood and water immediately came out. Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.
35 The eyewitness has testified—his testimony is true, and he knows he speaks the truth—so you also may believe. Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende.
36 For these things happened to fulfill the Scripture: "Not one of his bones will be broken." Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”
37 And again another Scripture says, "They will look on the one they have pierced." uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.”
38 Afterward, Joseph of Arimathea—a disciple of Jesus, but secretly, for fear of the Jews—asked Pilate to let him remove Jesus' body. Pilate agreed, so he came and removed it. Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu.
39 Nicodemus, who had first come to Jesus at night, also came, bringing a mixture of myrrh and aloes, about seventy-five pounds. Akanga achiperekedzwa naNikodhimasi, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimasi akauya nezvakavhenganiswa zvemura negavakava, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana.
40 They took Jesus's body and wrapped it in linen cloths with spices, as is Jewish burial custom. Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuhwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha.
41 Where he was crucified there was a garden, and in the garden a new tomb where no one had yet been laid. Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo.
42 Because it was the Jewish Preparation day, and the tomb was near, they laid Jesus there. Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]