Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Early on the first day of the week, while dark, Mary Magdalene came to the tomb and saw the stone taken from it. Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.
2 So she ran and came to Simon Peter and the other disciple, the one Jesus loved, and told them, "They've taken the Lord from the tomb, and we don't know where they put him." Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”
3 So Peter and the other disciple set out and went toward the tomb. Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva.
4 Both ran together, but the other disciple ran faster than Peter, reaching the tomb first. Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe mudzidzi akamhanya kukunda Petro akatanga kusvika paguva.
5 And stooping down, he saw the linen cloths lying there, but he did not go in. Akakotama akatarira mukati pamicheka yakanga iri pasi asi haana kupinda.
6 Simon Peter, following him, arrived and entered the tomb, and saw the linen cloths lying there, Ipapo Simoni Petro, uyo akanga ari shure kwake, akasvikopinda muguva. Akaona micheka iri pasi,
7 and the cloth that was on his head, not lying with the linen wrappings but folded separately in one place. pamwe chete nomucheka wokuvigwa nawo wakanga uri mumusoro waJesu. Mucheka uyu wakanga wakapetwa uri woga, wakaparadzaniswa nomumwe mucheka.
8 The other disciple, first to reach the tomb, then went in too; he saw and believed. Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.
9 For they still did not understand the Scripture, that he must rise from the dead. (Vakanga vasati vanzwisisa kubva muRugwaro kuti Jesu aifanira kumuka kubva kuvakafa.)
10 Then the disciples went back to their homes. Ipapo vadzidzi vakadzokera kumusha kwavo,
11 But Mary stood outside the tomb, weeping. As she wept, she bent to look into the tomb. asi Maria akaramba amire kunze kweguva achichema. Achiri kuchema kudai, akakotama kuti atarire muguva
12 She saw two angels in white, seated where Jesus's body had lain, one at the head, one at the feet. akaona vatumwa vaviri vane nguo chena, vagere pakambenge pane mutumbi waJesu, mumwe kumusoro uye mumwe kumakumbo.
13 They asked her, "Woman, why are you crying?" She answered, "They took my Lord, and I don't know where they put him." Vakamubvunza vakati, “Mai, munochemeiko?” Akati, “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisepi.”
14 Saying this, she turned and saw Jesus standing there, not knowing it was Jesus. Ipapo akatendeuka akatarira shure akaona Jesu amirepo, asi haana kuziva kuti akanga ari Jesu.
15 Jesus said to her, "Woman, why are you crying? Who are you seeking?" Taking him for the gardener, she said, "Sir, if you carried him off, tell me where you put him, and I'll take him away." Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa ndigomutora.”
16 Jesus said to her, "Mary." She turned and said to him in Aramaic, "Rabboni!" (which means Teacher). Jesu akati kwaari, “Maria.” Akatendeukira kwaari akadanidzira nechiHebheru achiti, “Rabhi!” (kureva kuti Mudzidzisi).
17 Jesus said to her, "Do not cling to me, for I have not yet ascended to the Father. But go to my brothers and say to them, 'I am ascending to my Father and your Father.'" Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’ ”
18 Mary Magdalene went and told the disciples, "I have seen the Lord," and that he had said these things to her. Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akandovaudza kuti, “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza kuti Jesu akanga areva zvinhu izvi kwaari.
19 That evening, the first day of the week, with the doors locked where the disciples were, for fear of the Jewish leaders, Jesus came, stood among them, and said, "Peace be with you." Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
20 After saying this, he showed them his hands and side. The disciples rejoiced to see the Lord. Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.
21 Jesus said to them again, "Peace to you. As the Father has sent me, so I send you." Jesu akatizve kwavari, “Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo.”
22 After saying this, he breathed on them and said to them, "Receive the Holy Spirit. Uye adaro akavafemera akati, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23 If you forgive anyone's sins, they're forgiven; if you hold back forgiveness from anyone, it's held back." Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi.”
24 Now Thomas, one of the Twelve, called the Twin, was not with them when Jesus came. Zvino Tomasi (ainzi Dhidhimo), mumwe wavane gumi navaviri, akanga asiri pamwe chete navamwe vadzidzi, Jesu paakauya.
25 The other disciples kept telling him, "We've seen the Lord!" But he told them, "Unless I see the nail marks in his hands, put my finger where they were, and put my hand in his side, I'll never believe." Saka vamwe vadzidzi vakamuudza kuti, “Taona Ishe!” Asi iye akati kwavari, “Kunze kwokunge ndaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake uye ndikaisa munwe wangu pakanga pane zvipikiri, uye ndikaisa ruoko rwangu parutivi rwake, handingatendi.”
26 Eight days later, his disciples were indoors again, Thomas with them. Though the doors were locked, Jesus came, stood among them, and said, "Peace be with you." Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange zvazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
27 Then he said to Thomas, "Put your finger here, see my hands. Reach your hand out, put it in my side. Leave doubt behind—believe." Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.”
28 Thomas answered him, "My Lord and my God!" Tomasi akati kwaari, “Ishe wangu naMwari wangu!”
29 Jesus said to him, "Have you believed because you've seen me? Blessed are those who haven't seen, yet believe." Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.”
30 Jesus did many other signs before his disciples, not written in this book. Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
31 But these are written so you'll believe Jesus is the Christ, the Son of our Father, and by believing have life in his name. Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]