Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

John 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Afterward Jesus showed himself again to the disciples by the Sea of Tiberias—this is how he showed himself. Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi.
2 Simon Peter, Thomas called Twin, Nathanael from Cana in Galilee, Zebedee's sons, and two other disciples were together. Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri.
3 Simon Peter told them, "I'm going fishing." "We'll go with you," they said. So they went out and got into the boat, but caught nothing that night. Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata.
4 At daybreak Jesus stood on the shore, yet the disciples didn't know it was Jesus. Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu.
5 Jesus said to them, "Children, do you have any fish?" They answered him, "No." Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.”
6 He told them, "Cast the net on the boat's right side, and you'll find fish." So they cast it, and were no longer able to haul it in for the sheer number of fish. Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove.
7 The disciple Jesus loved told Peter, "It's the Lord!" Hearing it was the Lord, Simon Peter wrapped his coat around him—he'd taken it off to work—and threw himself into the sea. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
8 The other disciples came in the boat, dragging the net full of fish, since they were only about one hundred yards from shore. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri.
9 When they went ashore, they saw a charcoal fire with fish on it, and bread. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa.
10 Jesus said to them, "Bring some of the fish you have just caught." Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.”
11 So Simon Peter climbed aboard and dragged the net ashore, full of 153 large fish; despite so many, it didn't tear. Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
12 Jesus said to them, "Come, eat breakfast." None of the disciples dared ask him, "Who are you?"—they knew it was the Lord. Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.
13 Jesus came, took the bread, and gave it to them, and the fish as well. Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo.
14 This was now the third time Jesus revealed himself to the disciples after being raised from the dead. Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
15 After they ate breakfast, Jesus asked Simon Peter, "Simon, son of John, do you love me with all your heart, more than these?" He answered, "Yes, Lord, you know I love you as a friend." Jesus told him, "Feed my lambs." Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”
16 A second time Jesus asked, "Simon son of John, do you love me with all your heart?" He replied, "Yes, Lord, you know I love you as a friend." Jesus said, "Take care of my sheep." Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?” Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”
17 A third time Jesus said to him, "Simon son of John, do you love me as a friend?" Peter was hurt that Jesus asked him a third time, "Do you love me as a friend?" and said, "Lord, you know everything; you know that I love you as a friend." Jesus said to him, "Feed my sheep." Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
18 "Truly, truly, I tell you: when you were young, you dressed yourself and went where you wanted; but when you're old, you'll stretch out your hands, and another will dress you and take you where you don't want to go." Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”
19 Jesus said this to show by what kind of death Peter would glorify our Father. Then he told him, "Follow me." Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!”
20 Peter turned and saw the disciple Jesus loved following—the one who leaned back against Jesus at supper and asked, "Lord, who is going to betray you?" Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)
21 When Peter saw him, he said to Jesus, "Lord, what about this man?" Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?”
22 Jesus told him, "If I want him to remain until I come, what's that to you? You follow me." Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”
23 So this word spread among the brothers and sisters that this disciple would not die. Yet Jesus did not tell him he would not die, but, "If I want him to remain until I come, what is that to you?" Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”
24 This is the disciple testifying to these things and who wrote them; we know his testimony is true. Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
25 Jesus did many other things too. If each were written down, I don't think the world itself could hold the books written. Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]