Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Job 16 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;mose muri vanyaradzi pasina!

3Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4Neniwo ndaigona kutaura semi,dai imi manga muri pachinzvimbo changu;ndaigona kutaura mashoko okukupikisaiuye ndigokudzungudzirai musoro wangu.

5Asi muromo wangu waizokukurudzirai:kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.

7Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;maparadza imba yangu yose.

8Makandisunga ini, uye chava chapupu;kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.

9Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,uye anondirumanyira meno ake;mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;vanondirova padama pakundimhura kwavo,uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,uye akandikanda mumaoko avakashata.

12Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.Akandivavarira;

13vapfuri vake vemiseve vakandikomba.Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,uye anodururira nduru yangu pasi.

14Nguva nenguva anondirwisa;anondidzingirira somurwi.

15“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,uye ndaviga huma yangu muguruva.

16Chiso changu chatsvuka nokuchema,rima guru rakomberedza meso angu;

17asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,uye munyengetero wangu wakachena.

18“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

19Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;murevereri wangu ari kumusoro.

20Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

21anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,somunhu anokumbirira shamwari yake.

22“Makore mashoma bedzi asara,ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]