Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 64 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Oh, that you would tear open the heavens and come down, that the mountains would quake at your presence, Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu!
2 as fire sets brushwood ablaze and causes water to boil—to make your name known to your adversaries, so that the nations would tremble at your presence! Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!
3 When you did awesome things that we did not expect, you came down, and the mountains quaked at your presence. Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
4 Since ancient times, no one has heard or perceived by ear, no eye has seen any besides you, who acts for the one who waits for him. Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwisisa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, anobatsira avo vanomumirira.
5 You welcome those who gladly do what is right, who remember you as they walk in your ways. But you were angry, and we sinned; we have long been in our sins—can we be saved? Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira, imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
6 We have all become like one who is unclean, and all our righteous deeds are like a filthy garment. We all wither like a leaf, and our sins, like the wind, sweep us away. Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
7 There is no one who calls on your name, who rouses himself to take hold of you; for you have hidden your face from us and have handed us over to our sins. Hakuna anodana kuzita renyu kana anoshingairira kuti akubatei; nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.
8 But now, you are our Father; we are the clay, and you are our potter; we are all the work of your hand. Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu.
9 Do not be so terribly angry, our Father, and do not remember our sin forever. Look, please—we are all your people. Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu.
10 Your holy cities have become a wilderness; Zion has become a wilderness, Jerusalem a desolation. Maguta enyu matsvene ava renje; kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.
11 Our holy and beautiful house, where our fathers praised you, has been burned with fire, and all that we treasured has become a ruin. Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai, yakapiswa nomoto, uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.
12 After all this, will you hold back, our Father? Will you keep silent and afflict us so terribly? Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here? Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]