Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 63 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Who is this coming from Edom, in crimson-stained garments from Bozrah, this one majestic in his apparel, striding in his great strength? "It is I, proclaiming righteousness, mighty to save." Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”
2 Why is your apparel red, and your garments like one who treads in the winepress? Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?
3 "I have trodden the winepress alone, and from the peoples no one was with me; I crushed them in my anger and trampled them in my wrath; their lifeblood splattered on my garments, and I stained all my apparel. “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.
4 For the day of reckoning was in my heart, and the year of my redeemed had come. Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.
5 I looked, but there was no one to help; I was appalled that no one upheld me; so my own arm brought me salvation, and my wrath upheld me. Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira.
6 I trampled the peoples in my anger; I made them drunk in my wrath, and I poured out their lifeblood on the ground." Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu; muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe uye ndakadurura ropa ravo pasi.”
7 I will tell of the covenant love of our Father, the praises of him, according to all that he has done for us, and the great goodness he has shown to the house of Israel, according to his compassion, according to his abundant covenant love. Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
8 For he said, "Surely they are my people, children who will not be false." And he became their Savior. Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo.
9 In all their affliction he was afflicted, and the messenger of his presence saved them; in his love and in his compassion he redeemed them; he lifted them up and carried them all the days of old. Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mumazuva ose akare.
10 But they rebelled and grieved his Holy Spirit; so he turned and became their enemy, and he himself fought against them. Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo.
11 Then he recalled the days of old, of Moses and of his people. Where is the one who led them up from the sea, with his flock's shepherds? Where is the one who placed his Holy Spirit among them, Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo,
12 who stretched out his glorious arm at the right hand of Moses, who divided the waters before them to make for himself an everlasting name, iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,
13 who led them through the depths? Like a horse in the wilderness, they did not stumble. iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa;
14 Like livestock that go down into the valley, the Spirit of our Father gave them rest. So you led your people, to make for yourself a glorious name. semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira.
15 Look down from heaven and see, from your holy and glorious dwelling. Where are your zeal and your mighty deeds? The stirring of your heart and your compassion are held back from me. Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.
16 For you are our Father, though Abraham does not know us and Israel does not acknowledge us; you are our Father; our Redeemer from ages past is your name. Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.
17 Why, our Father, do you let us wander from your ways and harden our heart, so that we do not fear you? Return for the sake of your servants, the tribes of your heritage. Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
18 For a little while your holy people held possession; our enemies have trampled your sanctuary. Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene, asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.
19 We have become like those you have never ruled, like those not called by your name. Isu tiri venyu kubva kare; asi ivo hamuna kumbovatonga, havana kumbodaidzwa nezita renyu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]