Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, Paul left Athens and went to Corinth. Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.
2 There he found a Jew named Aquila, native of Pontus, newly arrived from Italy with his wife Priscilla since Claudius had ordered all Jews out of Rome. Paul visited them, Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,
3 since they shared a trade, he stayed and worked with them—tentmakers by trade. uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.
4 Every Sabbath he reasoned in the synagogue, trying to persuade Jews and Greeks. Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5 When Silas and Timothy came from Macedonia, Paul was consumed by the word, testifying to the Jews that the Christ was Jesus. Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
6 When they resisted and insulted him, he shook out his clothes and said, "Your blood is on your own heads! I'm clean of it. From now on I'll go to the Gentiles." Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.”
7 He left the synagogue and went to the house of Titius Justus, a worshiper of our Father, next door to the synagogue. Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.
8 Crispus, the synagogue leader, believed in the Lord with his whole household; many Corinthians who heard Paul believed and were baptized. Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
9 One night the Lord told Paul in a vision, "Don't be afraid; keep speaking, don't stay silent, Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.
10 for I am with you, and no one will attack you to harm you, for I have many people in this city." Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”
11 So Paul stayed for a year and six months, teaching the word of our Father among them. Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.
12 While Gallio was proconsul of Achaia, the Jews united against Paul and brought him before the tribunal, Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.
13 saying, "This man is persuading people to worship God in ways contrary to the law." Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”
14 As Paul was about to speak, Gallio told the Jews, "If this were some wrong or vicious crime, Jews, I'd have reason to put up with you. Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.
15 Since this is a dispute about words, names, and your own law, settle it yourselves. I won't judge such matters. Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”
16 And he drove them away from the tribunal." Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.
17 So they all grabbed Sosthenes, the synagogue leader, and beat him before the judgment seat, but none of it concerned Gallio. Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.
18 Paul stayed on in Corinth for many more days. Then he said farewell to the brothers and sisters and sailed for Syria, accompanied by Priscilla and Aquila. At Cenchreae he had his hair cut off, for he was keeping a vow. Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.
19 They reached Ephesus, where Paul left Priscilla and Aquila, but he himself entered the synagogue and reasoned with the Jews. Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.
20 When they asked him to stay longer, he declined. Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.
21 But he left, saying, "I will come back to you if our Father is willing," and sailed from Ephesus. Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.
22 Landing at Caesarea, he went up, greeted the church, then went down to Antioch. Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.
23 After some time there, he set out through Galatia and Phrygia, strengthening all the disciples. Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.
24 A Jew named Apollos, born in Alexandria, came to Ephesus—a learned man, well versed in the Scriptures. Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.
25 He had been taught the way of the Lord, and, spirit boiling over, spoke and taught accurately about Jesus—though he knew only John's baptism. Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.
26 He spoke boldly in the synagogue. Priscilla and Aquila heard him, took him aside, and explained the way of our Father more accurately. Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.
27 When Apollos wanted to cross to Achaia, the brothers and sisters encouraged him and wrote to the disciples to welcome him; arriving, he greatly helped those who had believed by grace, Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.
28 for he forcefully refuted the Jews in public, proving from the Scriptures that the Christ was Jesus. Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]