Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After traveling through Amphipolis and Apollonia, they came to Thessalonica, where there was a Jewish synagogue. Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha.
2 Paul, as usual, went in to them and reasoned with them from the Scriptures on three Sabbaths. Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu,
3 Opening and explaining the Scriptures that the Christ must suffer and rise from the dead, he said, "This Jesus I proclaim to you is the Christ." achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.”
4 Some of them were persuaded and joined Paul and Silas, along with a great many devout Greeks and quite a few leading women. Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa.
5 But the Jews grew jealous, gathered evil men from the marketplace, formed a mob, and threw the city into chaos. They stormed Jason's house, seeking to bring them out to the crowd. Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji.
6 Not finding them, they dragged Jason and some brothers before the city officials, shouting, "These men who have turned the world upside down have come here too, Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kusagadzikana panyika yose vasvikawo kuno zvino,
7 Jason welcomed them. They all defy Caesar's decrees, claiming there is another king—Jesus. uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti pano mumwe mambo, anonzi Jesu.”
8 And they stirred up the crowd and the city authorities who heard these things." Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana.
9 And when they had taken bail from Jason and the rest, they let them go. Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza.
10 The brothers at once sent Paul and Silas off by night to Berea; on arrival they went to the Jewish synagogue. Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha.
11 These Jews were more open-minded than those in Thessalonica, receiving the word eagerly and examining Scripture daily to see if these things were true. Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.
12 So many of them believed, along with many prominent Greek women and men. VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki.
13 When Jews from Thessalonica learned Paul proclaimed the word of our Father in Berea too, they went there also, agitating and stirring up the crowds. VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji.
14 The brothers immediately sent Paul off to the sea, but Silas and Timothy stayed there. Ipapo hama dzakaendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria.
15 Paul's escorts brought him to Athens, then left with orders for Silas and Timothy to join him as soon as possible. Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.
16 While Paul waited for them in Athens, his spirit was provoked within him, seeing the city full of idols. Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo.
17 So he debated in the synagogue with Jews and worshipers of God, and daily in the marketplace with whoever was there. Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo.
18 Some of the Epicurean and Stoic philosophers also debated with him. Some asked, "What's this babbler trying to say?" Others said, "He seems to promote foreign gods"—since he preached the good news of Jesus and the resurrection. Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa.
19 They took him and brought him to the Areopagus, asking, "Can we know what this new teaching you're presenting is? Ipapo vakamutora vakaenda naye kumusangano weAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei?
20 For you bring strange things to our ears, so we want to know what they mean." Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.”
21 Now all the Athenians and foreigners living there spent their time on nothing but telling or hearing something new. (VaAtene vose navatorwa vaigara ipapo vaipedza nguva yavo vasina chimwe chavanoita kunze kwokungotaura nokuteerera pfungwa itsva).
22 Paul stood in the middle of the Areopagus and said, "Athenians, I see that you are extremely religious in every way. Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru.
23 For as I passed through and examined your sacred objects, I found an altar inscribed: 'To an unknown god.' What you worship without knowing it, I now proclaim to you. Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai.
24 Our Father, who made the world and everything in it, being Sovereign of heaven and earth, doesn't live in temples made by hands, “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko.
25 nor served by human hands, as if he needed anything—he himself gives everyone life, breath, and everything. Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu.
26 From one man he made every nation of mankind live across the whole earth, fixing their set times and the boundaries of their homelands, Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara.
27 so they might seek our Father, perhaps reach for him and find him—though he is not far from each of us, Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
28 for 'In him we live and move and have our being'; as even some of your own poets have said, 'We too are his descendants.' ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’
29 So as our Father's children, we shouldn't think the divine is like gold, silver, or stone—an image shaped by human skill and imagination. “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu.
30 The times of ignorance our Father overlooked, but now he commands all people everywhere to repent. Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.
31 He set a day to judge the world justly, through a man he appointed—proving it to all by raising him from the dead." Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”
32 Hearing of the resurrection of the dead, some mocked; others said, "We'll hear you on this again." Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.”
33 So Paul left them. Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi.
34 But some men joined him and believed, including Dionysius the Areopagite, a woman named Damaris, and others. Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]