Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul went on to Derbe and Lystra. A disciple was there named Timothy, son of a believing Jewish woman, but his father was a Greek. Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.
2 He was well thought of by the brothers at Lystra and Iconium. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.
3 Paul wanted him to travel with him, so he took and circumcised him, because of the Jews in those places, for they all knew his father was Greek. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.
4 Traveling through the towns, they delivered the decisions the apostles and elders in Jerusalem had made, for them to keep. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.
5 So the churches were strengthened in the faith and grew in numbers daily. Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.
6 They crossed the Phrygian and Galatian region, since the Holy Spirit had stopped them from speaking the word in Asia. Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.
7 Reaching Mysia, they tried entering Bithynia, but the Spirit of Jesus wouldn't let them. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.
8 So passing by Mysia, they went down to Troas. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.
9 Paul saw a vision in the night: a Macedonian man stood pleading with him, "Cross over to Macedonia and help us." Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”
10 When he had seen the vision, we tried at once to leave for Macedonia, concluding our Father had called us to tell them the good news. Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
11 So we set sail from Troas and sailed straight to Samothrace, and the next day to Neapolis, Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.
12 and from there to Philippi, a leading city of that district of Macedonia, a Roman colony. We stayed there several days. Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.
13 On the Sabbath we went outside the gate to a river, supposing there was a place of prayer. We sat and spoke with the women gathered there. Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.
14 A woman named Lydia, from Thyatira, who sold purple cloth and worshiped our Father, was listening. The Lord opened her heart to Paul's words. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.
15 When she and her household were baptized, she urged us: "If you judge me faithful to the Lord, come to my house and stay." And she persuaded us. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.
16 As we went to the place of prayer, we met a slave girl possessed by a spirit of divination; she earned her owners great profit through fortune-telling. Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
17 She followed Paul and us, shouting, "These men are servants of the Most High God, announcing to you the way of salvation." Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”
18 She did this for many days. Paul, deeply annoyed, turned and told the spirit, "I command you in the name of Jesus Christ to come out of her." It came out instantly. Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.
19 When her owners saw their hope of profit was gone, they seized Paul and Silas, dragged them to the marketplace before the rulers. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.
20 Bringing them to the magistrates, they said, "These men are Jews, disturbing our city. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu
21 They advocate customs that are not lawful for us as Romans to accept or practice." vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”
22 The crowd joined the attack, and the magistrates ripped off Paul and Silas's clothes and ordered them beaten with rods. Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.
23 After beating them severely, they threw them into prison, ordering the jailer to guard them securely. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.
24 Given that order, he locked them in the inner cell and clamped their feet in stocks. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.
25 About midnight Paul and Silas prayed and sang hymns to our Father while the prisoners listened to them. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.
26 Suddenly a violent earthquake shook the prison's foundations; instantly all doors opened and everyone's chains loosened. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.
27 The jailer woke, saw the prison doors open, drew his sword meaning to kill himself, thinking the prisoners had escaped. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
28 But Paul shouted, "Don't harm yourself, for we are all here!" Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”
29 The jailer called for lights, rushed in, and fell trembling before Paul and Silas. Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.
30 Then he brought them outside and said, "Sirs, what must I do to be saved?" Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”
31 And they said, "Believe in the Lord Jesus, and you will be saved, you and your household." Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”
32 They spoke the Lord's word to him and everyone in his house. Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.
33 In that hour of the night, he took them and washed their wounds; then he and his whole household were baptized at once. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.
34 He brought them up into his house, set food before them, and was overjoyed with his whole household at believing in our Father. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.
35 But when morning came, the magistrates sent the police, saying, "Release those men." Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”
36 The jailer told Paul, "The magistrates sent orders to release you. Come out now and go in peace." Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”
37 But Paul said to them, "They beat us publicly, without trial, Roman citizens that we are, and threw us into prison. Now they want to send us off secretly? No! Let them come themselves and lead us out." Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”
38 The officers reported these words to the magistrates, who were afraid to hear they were Roman citizens. Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.
39 They came, apologized, led them out, and asked them to leave the city. Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.
40 So they left the prison and went to Lydia's house. There they saw the brothers, encouraged them, and left. Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]