Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Some men came down from Judea and taught the brothers, "Unless you are circumcised by Moses' custom, you cannot be saved." Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”
2 When Paul and Barnabas had fierce dispute and debate with them, the brothers appointed Paul, Barnabas, and some others of them to go up to the apostles and elders in Jerusalem about this question. Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
3 Sent on by the church, they traveled through Phoenicia and Samaria, recounting the Gentiles' conversion, bringing great joy to all the brothers. Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
4 Arriving in Jerusalem, the church, apostles, and elders welcomed them, and they reported all our Father had done with them. Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.
5 But some believers from the Pharisee party stood up and said, "They must be circumcised and ordered to keep the law of Moses." Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
6 Then the apostles and the elders gathered together to look into this matter. Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.
7 After much debate, Peter stood and said, "Brothers, you know that in the early days our Father chose among you that the Gentiles would hear the gospel message through me and believe. Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.
8 And our Father, who knows the heart, testified by giving them the Holy Spirit, just as he did to us. Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.
9 He drew no line between us and them, cleansing their hearts by faith. Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.
10 So why test our Father by putting a yoke on the disciples' neck that neither our ancestors nor we could bear? Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu?
11 But we believe we will be saved through the grace of the Lord Jesus, just as they will." Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”
12 The whole crowd fell silent, listening to Barnabas and Paul describe the signs and wonders our Father did among the Gentiles through them. Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.
13 After they finished speaking, James answered, "Brothers, listen to me. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei.
14 Simeon told how our Father first visited the nations, taking from them a people for his name. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi.
15 And the words of the prophets agree with this, just as it is written: Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16 "'After this I will return, and I will rebuild the tent of David that has fallen; I will rebuild its ruins, and I will restore it, “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve,
17 that the rest of mankind may seek our Father, even all the Gentiles who are called by my name, says our Father, who makes these things, kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’
18 known from long ago.' zvakangova zvazivikanwa kubva kare.
19 So I judge we shouldn't trouble the Gentiles turning to our Father, “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari.
20 but write telling them to avoid things polluted by idols, sexual immorality, meat from strangled animals, and blood. Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.
21 For Moses has been proclaimed in every city for generations, read aloud in synagogues every Sabbath." Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”
22 The apostles, elders, and whole church decided to choose men from among them and send them to Antioch with Paul and Barnabas: Judas called Barsabbas, and Silas, leaders among the brothers. Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
23 They sent this letter with them: "The apostles and elders, brothers, to the Gentile brothers in Antioch, Syria, and Cilicia: greetings. Vakatumira tsamba yaiti: Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia: Kwaziwai.
24 Since we have heard that some who went out from us troubled you with words, unsettling your hearts, though we gave them no such instructions, Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
25 we unanimously agreed to choose men and send them to you with our beloved Barnabas and Paul. Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,
26 Men who have devoted their lives for the name of our Lord Jesus Christ. varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
27 So we sent Judas and Silas, who will themselves tell you the same things by word of mouth. Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.
28 The Holy Spirit and we agreed to place no greater burden on you than these necessities: Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi:
29 Avoid food offered to idols, blood, meat from strangled animals, and sexual immorality. Keep yourselves from these and you will do well. Farewell." Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.
30 So, sent off, they went down to Antioch, gathered the congregation, and delivered the letter. Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.
31 And when they read it, they rejoiced at the encouragement. Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.
32 And Judas and Silas, who were themselves prophets, encouraged and strengthened the brothers with many words. Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.
33 After spending time there, the brothers sent them off in peace to those who sent them. Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.
34 Not in this edition Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.
35 But Paul and Barnabas remained in Antioch, teaching and preaching our Lord's word, with many others too. Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.
36 After some days, Paul told Barnabas, "Let's return and visit the brothers in every city where we announced our Lord's message, and see how they're doing." Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”
37 Now Barnabas wanted to take with them John who was called Mark. Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,
38 But Paul thought it best not to bring the one who deserted them in Pamphylia and didn't join them for the work. asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.
39 Their clash grew so sharp they separated from each other; Barnabas took Mark and sailed to Cyprus, Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,
40 but Paul chose Silas and set out, entrusted by the brothers to the grace of our Lord. asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.
41 And he traveled through Syria and Cilicia, strengthening the churches. Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]