Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Iconium they entered the Jewish synagogue together and spoke so that a great number of both Jews and Greeks believed. PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda.
2 But the Jews who refused to believe stirred up and poisoned Gentile minds against the brothers. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.
3 They stayed a long time, speaking boldly for the Lord, who confirmed his message of grace, doing signs and wonders through their hands. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.
4 But the city split: some sided with the Jews, some with the apostles. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.
5 When both the Gentiles and the Jews, together with their rulers, moved to mistreat and stone them, VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.
6 realizing this, they fled to the Lycaonian cities of Lystra and Derbe, and the surrounding region, Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza,
7 and there they kept preaching the gospel. uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.
8 A man sat in Lystra, feet disabled, lame from birth, who had never walked. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.
9 He was listening to Paul speak. Paul stared at him and saw he had faith to be healed, Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa
10 said in a loud voice, "Stand upright on your feet." The man leaped up and began walking. akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.
11 When the crowds saw what Paul did, they shouted in Lycaonian, "The gods have come down to us in human form!" Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”
12 Barnabas they called Zeus, and Paul they called Hermes, because he was the chief speaker. Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.
13 The priest of Zeus, whose temple stood before the city, brought bulls and garlands to the gates, wanting to sacrifice with the crowds. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari.
14 But hearing this, the apostles Barnabas and Paul tore their clothes and ran into the crowd, shouting, Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti,
15 and saying, "Men, why are you doing this? We are humans too, with the same nature as you. We bring you good news: turn from these worthless things to the living Father, who made the heaven, the earth, the sea, and everything in them. “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
16 In past generations he let all the nations go their own way, Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo.
17 yet he did not leave himself without witness: doing good, giving you rains from heaven and fruitful seasons, filling your hearts with food and joy." Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”
18 Even with these words they barely restrained the crowds from sacrificing to them. Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira.
19 But Jews from Antioch and Iconium came, won over the crowds, stoned Paul, and dragged him out of the city, thinking him dead. Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro namabwe ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.
20 When the disciples surrounded him, he got up and went into the city. The next day he left for Derbe with Barnabas. Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
21 After preaching the good news in that city and making many disciples, they returned to Lystra, Iconium, and Antioch, Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki,
22 strengthening the disciples' souls, urging them to remain in the faith: we must enter our Father's kingdom through many troubles. vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
23 After appointing elders for them in each church, praying with fasting, they entrusted them to the Lord they had believed in. Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.
24 Then they passed through Pisidia and came to Pamphylia. Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria,
25 And when they had spoken the word in Perga, they went down to Attalia, uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria.
26 from there they sailed to Antioch, where they'd been entrusted to our Father's grace for the work they had finished. Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino.
27 When they arrived, they gathered the church and reported all our Father had done with them, and how he opened a door of faith to the Gentiles. Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kune veDzimwe Ndudzi.
28 And they stayed there with the disciples for a long time. Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]