Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the Antioch church were prophets and teachers: Barnabas, Simeon called Niger, Lucius of Cyrene, Manaen (a lifelong companion of Herod the tetrarch), and Saul. Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.
2 While they worshiped our Lord Jesus and fasted, the Holy Spirit said, "Set apart for me Barnabas and Saul, for the work I've called them to." Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”
3 Then, after fasting and praying, they laid their hands on them and sent them off. Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
4 Sent by the Holy Spirit, they went down to Seleucia, then sailed to Cyprus. Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.
5 Arriving at Salamis, they proclaimed our Father's word in the Jewish synagogues. They had John as their helper. Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6 Having crossed the whole island to Paphos, they found a Jewish sorcerer and false prophet named Bar-Jesus, Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
7 who was with the proconsul, Sergius Paulus, an intelligent man. He summoned Barnabas and Saul, wanting to hear our Father's word. akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.
8 Elymas the magician—that's his name's meaning—opposed them, trying to turn the proconsul from the faith. Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.
9 But Saul, who was also called Paul, filled with the Holy Spirit, looked intently at him, Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,
10 and said, "You son of the devil, enemy of all righteousness, full of every deceit and trickery—will you never stop twisting our Father's straight paths? “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?
11 Now look: the hand of our Father is on you. You will be blind, unable to see the sun, for a time." Immediately mist and darkness fell on him; he felt his way around, seeking someone to lead him by the hand. Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.
12 Seeing what happened, the proconsul believed, amazed at the teaching of our Lord Jesus. Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
13 Paul and his companions sailed from Paphos to Perga in Pamphylia, but John left them and returned to Jerusalem. Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.
14 From Perga they went on to Antioch in Pisidia. On the Sabbath they entered the synagogue and sat down. Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi.
15 After the reading of the Law and the Prophets, the synagogue leaders sent word: "Brothers, if you have a word of encouragement for the people, speak." Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
16 Paul stood, waved his hand, and said, "Men of Israel, and you who fear our Father, listen. Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei!
17 Our Father, the Father of this people Israel, chose our ancestors, made them great during their stay in the land of Egypt, and led them out with a raised arm. Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,
18 And for about forty years he put up with them in the wilderness. akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,
19 After destroying seven nations in Canaan, he gave them their land as an inheritance. akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.
20 This took about 450 years. Then he gave them judges until Samuel the prophet. Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. “Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.
21 Then they asked for a king, and our Father gave them Saul son of Kish, a man from Benjamin's tribe, for forty years. Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.
22 After removing him, he raised up David as their king, testifying: 'I have found David son of Jesse, a man after my heart, who will do everything I want.' Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
23 From this man's offspring our Father has brought to Israel a Savior, Jesus, just as he promised. “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa.
24 Before his coming, John had proclaimed a baptism of repentance to all the people of Israel. Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.
25 As John was completing his course, he said, 'What do you think I am? I am not he. But look, one is coming after me—I'm not worthy to untie the sandals on his feet.' Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26 "Brothers, sons of Abraham's family, and those among you who fear our Father: this salvation message was sent to us. “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.
27 Jerusalem's people and their leaders didn't recognize him or grasp the prophets' words read each Sabbath—condemning him, they fulfilled those very words. Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.
28 Though they found no cause for his death, they asked Pilate to have him executed. Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.
29 After they finished everything written about him, they took him down from the tree and laid him in a tomb. Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.
30 But our Father raised him from the dead, Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,
31 for many days he appeared to those who came up with him from Galilee to Jerusalem, now his witnesses to the people. uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 And we bring you the good news that what our Father promised to our ancestors. “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
33 He has fulfilled this for us, their children, by raising Jesus, as is also written in Psalm 2: 'You are my Son; today I have fathered you.' akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’
34 And as for the fact that he raised him from the dead, never to decay again, he said, 'I will give you the holy and sure blessings promised to David.' Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
35 Therefore he also says in another psalm: 'You will not let your Holy One see decay.' Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36 For David, after serving our Father's purpose in his own generation, fell asleep, was laid with his ancestors, and saw decay, “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
37 but he whom our Father raised up did not see decay. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38 So know this, brothers—through this man forgiveness of sins is proclaimed to you, “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.
39 through him, everyone who believes is freed from everything the law of Moses could not free you from. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.
40 Be careful, then, that what is said in the Prophets does not happen to you: Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
41 'Look, you scoffers, be astonished and perish; for I am doing a work in your days, a work that you will never believe, even if someone tells it to you.'" “ ‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”
42 As Paul and Barnabas left, the people urged them to speak again about these things next Sabbath. Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.
43 When the synagogue meeting ended, many Jews and devout converts to Judaism followed Paul and Barnabas, who spoke with them and urged them to continue in the grace of our Father. Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44 The next Sabbath almost the whole city gathered to hear the word of our Lord Jesus. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.
45 When the Jews saw the crowds, jealousy filled them, and they contradicted Paul's words, insulting him. VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46 Paul and Barnabas spoke boldly: "The word of our Father had to be spoken to you first. Since you reject it, judging yourselves unworthy of eternal life, look—we turn to the Gentiles." Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi.
47 For our Father has commanded us: "I have made you a light to the nations, to bring salvation to the ends of the earth." Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”
48 Hearing this, the Gentiles rejoiced and glorified the word of our Lord Jesus; all appointed to eternal life believed. VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49 And the word of our Lord Jesus spread throughout the whole region. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.
50 But the Jews stirred up the devout, prominent women and the city's leading men, roused persecution against Paul and Barnabas, and expelled them from their region. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.
51 So they shook the dust off their feet against them and went to Iconium. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.
52 And the disciples were filled with joy and with the Holy Spirit. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]