Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 About that time King Herod attacked some who belonged to the church, intending to harm them. Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza.
2 He had James, the brother of John, put to death with the sword. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo.
3 Seeing that this pleased the Jews, Herod proceeded to seize Peter too, during the days of Unleavened Bread. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso.
4 He arrested him, put him in prison, and handed him to four squads of four soldiers to guard, intending to bring him out to the people after the Passover. Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika.
5 Peter was kept in prison, but the church prayed fervently to our Father for him. Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.
6 That night, before Herod could bring him out, Peter slept between two soldiers, bound with two chains; guards before the door kept watch over the prison. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova.
7 Suddenly an angel of our Father stood beside him, and light filled the cell. He struck Peter's side, woke him, and said, "Get up quickly." The chains fell from his hands. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro.
8 The angel told him, "Get dressed and put on your sandals." Peter complied. Then he said, "Wrap your cloak around you and follow me." Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.”
9 So Peter went out and followed, not knowing the angel's actions were real—he thought he saw a vision. Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo.
10 Passing the first and second guard posts, they reached the iron gate to the city, which opened for them on its own. They went out, walked one street, and the angel suddenly left him. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya.
11 Then Peter came to himself and said, "Now I know for certain: our Father sent his angel and rescued me from Herod's hand and from everything the Jewish people expected." Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”
12 Aware of this, he went to Mary's house, mother of John also called Mark, where many were gathered praying. Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, ainziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.
13 When Peter knocked at the door of the gateway, a servant girl named Rhoda came to answer. Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku.
14 Recognizing Peter's voice, she was so overjoyed she ran in without opening the gate, announcing Peter stood there. Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!”
15 "You're out of your mind," they said. But she insisted it was true. So they said, "It's his angel." Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.”
16 But Peter kept on knocking, and when they opened the door and saw him, they were astonished. Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa.
17 Signaling with his hand for quiet, he explained how our Father had led him out of prison. "Tell James and the brothers and sisters this," he said, then left for another place. Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.
18 When morning came, there was no small commotion among the soldiers over what had become of Peter. Mangwanani acho, kwakava nebope guru pakati pavarwi vachida kuziva kuti chii chakanga chaitika kuna Petro.
19 Herod, after searching for him and not finding him, questioned the guards and ordered them executed. Then he went down from Judea to Caesarea and stayed there. Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva.
20 Herod was enraged at Tyre and Sidon. Together they came to him, and having won over Blastus, the king's chamberlain, they requested peace, since their land depended on the king's land for food. Akanga atsamwirana navanhu veTire neSidhoni, ndokubva vabatana pamwe chete vakauya kwaari kuti vataure naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira runyararo, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndiko kwavaiwana zvokudya.
21 On the set day Herod dressed in royal robes, sat on the throne, and made a speech to them. Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu.
22 And the crowd kept shouting, "This is the voice of a god, not of a man!" Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.”
23 Instantly an angel of our Father struck him down for not giving our Father the glory, and worms ate him and he died. Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, akadyiwa nehonye uye akafa.
24 But the word of our Father continued to grow and spread. Uye shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira.
25 Barnabas and Saul returned from Jerusalem, having finished their mission, taking with them John, also called Mark. Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]