Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The apostles and brothers in Judea heard that Gentiles too had received our Father's word. Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.
2 So when Peter went up to Jerusalem, those of the circumcision party criticized him, Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza
3 saying, "You visited uncircumcised men and ate with them." vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”
4 But Peter explained it to them step by step: Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,
5 Praying in the city of Joppa, I fell into a trance and saw a vision: a huge sheet-like object, lowered from heaven by its four corners, reaching me. “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.
6 Looking closely at it, I saw four-legged animals, wild beasts, reptiles, and birds. Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga.
7 And I heard a voice saying to me, 'Get up, Peter; kill and eat.' “Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’
8 But I said, 'By no means, Lord; for nothing impure or unclean has ever entered my mouth.' “Ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’
9 But the voice answered a second time from heaven, 'What our Father has made clean, do not call impure.' “Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’
10 This happened three times, and all of it was drawn up again into heaven. Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga.
11 Right then three men, sent to me from Caesarea, arrived at the house where we stayed. “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara.
12 The Spirit told me to go with them, making no distinction. These six brothers also went with me, and we entered the man's house. Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya.
13 He told us how he saw the angel standing in his house and saying, 'Send to Joppa and bring Simon called Peter; Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro.
14 he will bring you a message by which you will be saved, you and all your household.' Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’
15 When I began speaking, the Holy Spirit fell on them just as on us at first. “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga.
16 Then I remembered what our Lord Jesus said: 'John baptized with water, but you will be baptized with the Holy Spirit.' Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’
17 If our Father gave them the same gift he gave us who believed in the Lord Jesus Christ, who was I to stand in our Father's way? Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?”
18 Hearing this, they quieted down and praised our Father, saying, "So our Father has granted repentance that leads to life even to the Gentiles." Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
19 Those scattered by the persecution over Stephen traveled as far as Phoenicia, Cyprus, and Antioch, speaking the message to no one but Jews. Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi.
20 But some of them—men from Cyprus and Cyrene—reached Antioch and spoke to Hellenists too, telling the good news about the Lord Jesus. Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe.
21 The hand of our Lord Jesus was with them, and many believed and turned to the Lord. Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.
22 The church in Jerusalem heard about this and sent Barnabas to Antioch. Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki.
23 Arriving, he saw our Father's grace and rejoiced, urging all to remain devoted to the Lord with firm hearts. Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara, akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka kuna She nemwoyo yavo yose.
24 For he was a good man, full of the Holy Spirit and faith, and a large crowd was added to the Lord. Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She.
25 So Barnabas went to Tarsus to look for Saul, Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro,
26 finding him, he brought him to Antioch. For a full year they met with the church and taught a large crowd, and in Antioch the disciples were first called Christians. uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki.
27 In these days prophets came down from Jerusalem to Antioch. Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki.
28 One of them, named Agabus, stood up and predicted through the Spirit that a great famine would come over the whole world—it happened in Claudius's days. Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio).
29 The disciples decided, each according to ability, to send relief to the brothers living in Judea. Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.
30 And they did so, sending it to the elders through Barnabas and Saul. Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]