Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 There was a man in Caesarea named Cornelius, a centurion of what was called the Italian Cohort. PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria.
2 He was devout, feared our Father with his whole household, gave many gifts to the people, and prayed to our Father constantly. Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose.
3 About three in the afternoon he saw clearly in a vision an angel of our Father come to him and say, "Cornelius." Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
4 Staring at him, terrified, he said, "What is it, sir?" The angel replied, "Your prayers and gifts to the poor have risen as a memorial before our Father." Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
5 Now send men to Joppa and bring a man named Simon, who is called Peter. Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6 He is lodging with a tanner named Simon, whose house is by the sea. Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
7 When the angel who spoke to him left, Cornelius called two of his household servants and a devout soldier from among his regular attendants, Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
8 and after explaining everything to them, he sent them to Joppa. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
9 The next day, as they journeyed and neared the city, Peter went up on the roof to pray, about noon. Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
10 He grew hungry and wanted to eat, but while they prepared food, a trance came over him, Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.
11 and saw heaven opened, and something like a large sheet coming down, lowered by its four corners to the earth. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.
12 It held all kinds of four-footed animals and reptiles of the earth and birds of the air. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13 And a voice came to him: "Rise, Peter; kill and eat." Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”
14 But Peter said, "Absolutely not, Lord; for I have never eaten anything common or unclean." Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”
15 The voice came to him again, a second time: "What I have made clean, don't call common." Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”
16 This happened three times, and at once the sheet was taken up to heaven. Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.
17 While Peter was puzzled over what the vision meant, suddenly the men sent by Cornelius, having asked the way to Simon's house, stood at the gate, Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
18 and called out to ask whether Simon who was called Peter was lodging there. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.
19 As Peter thought about the vision, the Holy Spirit said to him, "Three men are looking for you. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pane varume vatatu vari kukutsvaka.
20 Get up, go downstairs, and go with them without hesitation, for I have sent them." Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”
21 Peter went down to the men and said, "I'm the one you're looking for. Why have you come?" Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”
22 They said, "Cornelius, a centurion, upright, fears our Father, and respected by the whole Jewish nation, was told by a holy angel to summon you to his house and hear what you have to say." Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”
23 So he invited them in and hosted them. Next day he set out with them, joined by some brothers from Joppa. Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.
24 The next day he entered Caesarea. Cornelius, expecting them, had gathered his relatives and close friends. Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.
25 When Peter entered, Cornelius met him and fell down at his feet and worshiped him. Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamugamuchira uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.
26 But Peter lifted him up, saying, "Stand up! I'm a man too." Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”
27 While talking with Cornelius, Peter went in and found many people gathered. Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana.
28 He said to them, "You yourselves know it's unlawful for a Jew to associate with or visit someone of another nation. But our Father showed me I should call no one common or unclean. Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina.
29 So, sent for, I came without objection. Now, why did you send for me?" Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?”
30 Cornelius said, "Four days ago at this hour, three in the afternoon, I was praying in my house, and suddenly a man in bright clothing stood before me, Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu
31 and said, 'Cornelius, your prayer was heard and your gifts to the poor remembered before our Father. akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo.
32 So send to Joppa and call for Simon, known as Peter. He's staying in Simon the tanner's house, by the sea.' Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’
33 So I sent for you at once, and you did well to come. Now we're all here before God, to hear all the Lord has commanded you." Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.”
34 Peter spoke up: "I truly see our Father shows no favoritism, Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu
35 but in every nation anyone who fears him and does what is right is acceptable to him. asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama.
36 He sent his word to the Israelites, announcing good news of peace through Jesus Christ—he is Lord of all. Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose.
37 You yourselves know what happened throughout all Judea, beginning from Galilee after the baptism that John proclaimed: Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani,
38 how our Father anointed Jesus of Nazareth with the Holy Spirit and power, how he went about doing good and healing all oppressed by the devil, for our Father was with him. zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
39 We are witnesses of all he did in the Jews' land and Jerusalem—they killed him, hanging him on a tree, “Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti,
40 but our Father raised him on the third day and made him appear, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.
41 not to all the people but to us, witnesses whom our Father chose beforehand, who ate and drank with him after he rose from the dead. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
42 He commanded us to preach to the people and testify: our Father appointed him judge of the living and the dead. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.
43 To him all the prophets testify that everyone believing in him receives forgiveness of sins through his name." Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”
44 While Peter was still saying these things, the Holy Spirit fell on all who heard the word. Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
45 The circumcised believers who came with Peter were amazed that the gift of the Holy Spirit was poured out on Gentiles too. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo.
46 For they heard them speaking in tongues and praising our Father. Then Peter declared, Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati,
47 "Can anyone refuse water to baptize these people, who received the Holy Spirit as we did?" “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.”
48 He ordered them baptized in Jesus Christ's name. Then they asked him to stay several days. Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]