Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 While Apollos was in Corinth, Paul crossed the inland region and reached Ephesus, where he found some disciples. Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo
2 He asked them, "Did you receive the Holy Spirit when you believed?" They replied, "No, we haven't even heard there is a Holy Spirit." akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 So he asked, "Into what then were you baptized?" "Into John's baptism," they said. Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Paul said, "John baptized with a baptism of repentance, telling people to believe in the one coming after him—Jesus." Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
5 On hearing this, they were baptized in the name of the Lord Jesus. Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6 When Paul laid hands on them, the Holy Spirit came on them; they spoke in tongues and prophesied. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
7 There were about twelve men in all. Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
8 Paul entered the synagogue, speaking boldly three months, reasoning and persuading about our Father's kingdom. Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.
9 When some grew stubborn, refusing to believe and slandering the Way before the crowd, he withdrew from them, took the disciples, and reasoned daily in Tyrannus's lecture hall. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.
10 This continued two years, so all living in Asia, both Jews and Greeks, heard the word of the Lord Jesus. Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
11 Our Father did extraordinary miracles through the hands of Paul, Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,
12 so even handkerchiefs and aprons that touched his skin were carried to the sick, and diseases left them and evil spirits went out of them. zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
13 Some traveling Jewish exorcists also tried invoking the name of the Lord Jesus over those with evil spirits, saying, "I command you by the Jesus Paul preaches." Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
14 Seven sons of a Jewish high priest named Sceva were doing this. Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.
15 But the evil spirit answered them, "Jesus I know, and Paul I recognize, but who are you?" Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”
16 And the man who had the evil spirit leaped on them, overpowered them all, and prevailed against them, so that they fled out of that house naked and wounded. Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
17 All Jews and Greeks living in Ephesus learned of this. Fear seized them all, and the name of the Lord Jesus was highly praised. Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
18 Many of those who had become believers also came, confessing and disclosing their practices. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.
19 Many who had practiced sorcery brought their scrolls together and burned them before everyone. They added up the price and found it worth 50,000 days' wages. Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.
20 So the word of the Lord Jesus continued to grow mightily and prevail. Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.
21 When this was done, Paul decided in his spirit to go through Macedonia and Achaia to Jerusalem, saying, "After I've been there, I must see Rome too." Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
22 He sent two of his assistants, Timothy and Erastus, to Macedonia, while staying in Asia himself a while longer. Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
23 About that time there arose a serious disturbance concerning the Way. Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.
24 For a man named Demetrius, a silversmith who made silver shrines of Artemis, kept many craftsmen busy. Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.
25 He gathered them and workers in similar trades and said, "Men, you know our wealth comes from this trade. Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.
26 You see and hear that this Paul has persuaded and turned away a great many people—not only in Ephesus but nearly all of Asia—telling them gods made by hands aren't gods at all. Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.
27 The risk isn't just that our trade loses its good name, but that the temple of the great goddess Artemis will count for nothing, and she, worshiped by all Asia and the world, will be stripped of her greatness." Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
28 Hearing this, they were enraged and shouted, "Great is Artemis of the Ephesians!" Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
29 The city filled with confusion; together they rushed into the theater, dragging along Gaius and Aristarchus, Macedonians, Paul's traveling companions. Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.
30 When Paul wanted to go in among the crowd, the disciples would not let him. Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.
31 Even some officials of the province, his friends, sent word urging him not to risk entering the theater. Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.
32 Meanwhile some shouted one thing, others another—the assembly was in confusion, and most didn't know why they'd gathered. Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.
33 Some in the crowd coached Alexander, whom the Jews pushed forward; motioning with his hand, he wanted to defend himself before the people. VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34 Realizing he was a Jew, they shouted as one for about two hours, "Great is Artemis of the Ephesians!" Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
35 When the town clerk had quieted the crowd, he said, "Men of Ephesus, who doesn't know the Ephesians' city is temple keeper of the great Artemis and of the image that fell from heaven? Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?
36 Since these things cannot be denied, you ought to keep calm and do nothing rash. Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.
37 For you have brought these men here who are neither temple robbers nor blasphemers of our goddess. Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.
38 So if Demetrius and his fellow craftsmen have a charge against anyone, courts are in session and proconsuls are available—let them accuse each other there. Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.
39 But if you are seeking anything further, it will be settled in the regular assembly. Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.
40 We risk being charged with today's riot, since we have no reason to justify this uproar." Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
41 And when he had said this, he dismissed the assembly. Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]