Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After the uproar ended, Paul sent for the disciples, encouraged them, said goodbye, and left for Macedonia. Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia.
2 When he had passed through those regions and given the believers much encouragement, he came to Greece. Akafamba nomumatunhu ayo, achitaura mashoko mazhinji okukurudzira vanhu, uye pakupedzisira akazosvika kuGirisi,
3 He stayed three months; when the Jews plotted against him as he was about to sail for Syria, he decided to return through Macedonia. uko kwaakandogara kwemwedzi mitatu. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vaita rangano yakaipa pamusoro pake paakanga oda kukwira chikepe kuti aende kuSiria, akafunga kudzokerazve nokuMasedhonia.
4 Sopater son of Pyrrhus of Berea, Aristarchus and Secundus of Thessalonica, Gaius of Derbe, Timothy, and Tychicus and Trophimus of Asia accompanied him. Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikikasi naTirofimasi vaibva mudunhu reEzhia.
5 These went on ahead and were waiting for us at Troas. Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi.
6 We sailed from Philippi after the days of Unleavened Bread, reaching them at Troas in five days and staying there seven days. Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe.
7 On the first day of the week, when we gathered to break bread, Paul talked with them; planning to leave the next day, he kept talking until midnight. Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.
8 There were many lamps in the upper room where we were gathered. Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana.
9 A young man named Eutychus sat in the window, sinking into deep sleep as Paul kept talking. Overcome by sleep, he fell from the third story and was picked up dead. Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.
10 Paul went down, bent over him, and embracing him said, "Don't be alarmed; his life is in him." Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!”
11 He went back up, broke bread, ate, and talked with them a long time, until daybreak, then left. Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake.
12 And they brought the young man home alive, and were greatly comforted. Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.
13 We went ahead by ship to Assos, planning to take Paul aboard; he had chosen to go by land. Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka.
14 And when he met us at Assos, we took him on board and came to Mitylene. Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene.
15 Sailing from there, we came opposite Chios the next day, put in at Samos the day after, and reached Miletus the following day. Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMiretasi.
16 Paul had decided to sail past Ephesus, avoiding time in Asia; he was hurrying to reach Jerusalem, if possible, by Pentecost. Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti.
17 From Miletus he sent to Ephesus and called the elders of the church to come to him. Pauro ari paMiretasi, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke.
18 When they came, he said, "You know how I lived among you the whole time, from the first day I set foot in Asia, Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia.
19 serving our Lord Jesus with complete humility, tears, and trials brought on by the Jews' plots against me, Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha.
20 how I held nothing back that would help you, but declared it and taught you publicly and house to house, Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.
21 testifying to both Jews and Greeks: repentance toward our Father and faith in our Lord Jesus. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu.
22 Now bound by the Spirit, I'm heading to Jerusalem, not knowing what awaits me there, “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.
23 except the Holy Spirit tells me in every city that chains and sufferings await me. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.
24 But I place no value on my life, nor treasure it for myself, only that I finish my course and the ministry I received from our Lord Jesus, testifying to the gospel of our Father's grace. Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
25 And now I know none of you among whom I went preaching the kingdom of our Father will see my face again. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.
26 Therefore I testify to you this day that I am innocent of the blood of all, Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose.
27 for I did not shrink from declaring to you the whole purpose of our Father. Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
28 Watch yourselves and all the flock the Holy Spirit made you overseers of, to shepherd our Father's church, which he purchased with the blood of his own Son. Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.
29 I know that after my departure fierce wolves will come in among you, not sparing the flock. Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka.
30 Men from among you will rise, speaking distorted things, to draw the disciples away after them. Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.
31 So watch, remembering that for three years, night and day, I never stopped warning each one of you with tears. Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi.
32 Now I entrust you to our Father and to the word of his grace, able to build you up and give you the inheritance among all who are made holy. “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene.
33 I coveted no one's silver or gold or clothing. Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu.
34 You yourselves know that these hands provided for my needs and for those who were with me. Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo.
35 In everything I showed you that, working hard this way, we must help the weak, remembering the words of our Lord Jesus, that he himself said, It is more blessed to give than to receive." Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ”
36 And when he had said these things, he knelt down with them all and prayed. Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera.
37 They all wept; they embraced Paul and kissed him, Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda.
38 grieving most over his words—that they'd never see his face again—they walked him to the ship. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]