Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 David asked, "Is anyone left of Saul's family I can show kindness to, for Jonathan's sake?" Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?”
2 Saul's household had a servant named Ziba, summoned to David. "Are you Ziba?" the king asked. "At your service," he replied. Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha. Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
3 The king asked, "Is no one left of Saul's house to whom I can show the kindness of our Father?" Ziba answered the king, "There is still a son of Jonathan; he is crippled in both feet." Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?” Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”
4 "Where is he?" the king asked. Ziba answered, "In the house of Machir son of Ammiel, in Lo-debar." Mambo akabvunza akati, “Aripiko?” Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.”
5 So King David sent and had him brought from Machir son of Ammiel's house in Lo-debar. Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri.
6 When Mephibosheth son of Jonathan, son of Saul, came to David, he fell facedown and bowed low. David said, "Mephibosheth!" "Your servant," he replied. Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
7 "Don't be afraid," David said to him, "for I'll surely show you kindness for your father Jonathan's sake. I'll give back all your grandfather Saul's land, and you'll always eat at my table." Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”
8 Mephibosheth bowed and said, "What is your servant, that you'd notice a dead dog like me?" Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?”
9 Then the king summoned Ziba, Saul's servant: "I have given your master's grandson everything that belonged to Saul and all his household. Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake.
10 You, your sons, and your servants are to farm the land for him and bring in the harvest, so your master's grandson has food to eat. But Mephibosheth, your master's grandson, will always eat at my table." Ziba had fifteen sons and twenty servants. Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.
11 Ziba told the king, "I will do all my lord the king commands." So Mephibosheth ate at David's table like one of the king's sons. Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu achaita zvose zvamunomurayira kuti aite imi, ishe wangu namambo. Naizvozvo Mefibhosheti akadya patafura yaDhavhidhi somumwe wavanakomana vamambo.”
12 Mephibosheth had a young son named Mica, and everyone in Ziba's household served Mephibosheth. Mefibhosheti akanga ane mwanakomana mudiki ainzi Mika, uye vose veimba yaZibha vakanga vari varanda vaMefibhosheti.
13 Mephibosheth lived in Jerusalem, because he always ate at the king's table; and he was lame in both feet. Saka Mefibhosheti akagara muJerusarema nokuti aigara achidya patafura yamambo, uye akanga akaremara tsoka dzake dzose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]