Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Later, the king of the Ammonites died, and his son Hanun became king in his place. Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo.
2 David said, "I'll show kindness to Hanun son of Nahash, as his father showed kindness to me." So he sent servants to console him over his father's death. But when David's servants reached Ammonite territory, Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni,
3 the Ammonite commanders told Hanun their lord, "Do you really think David honors your father by sending you men to console you? Hasn't David sent his servants to you to explore the city, spy it out, and overthrow it?" machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurisora kuti vagoriparadza?”
4 Hanun seized David's servants, shaved half of each man's beard, cut their garments off at the hips, and sent them away. Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga.
5 When David was told, he sent messengers to meet them, since the men were deeply ashamed. The king said, "Stay in Jericho till your beards regrow, then return." Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.”
6 Seeing they had become a stench to David, the Ammonites sent and hired the Arameans of Beth-rehob and the Arameans of Zobah—20,000 foot soldiers—the king of Maacah with 1,000 men, and the men of Tob with 12,000 men. Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuhwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi.
7 On hearing this, David sent Joab with the entire army of fighting men. Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi.
8 The Ammonites came out and formed battle lines at the entrance to the city gate, while the Arameans of Zobah and Rehob and the men of Tob and Maacah stood apart in the open field. VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani.
9 Joab saw that the battle lines faced him on both front and back, so he chose some of Israel's best and lined them up against the Arameans. Joabhu akaona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu.
10 He put the rest under his brother Abishai's command, to line up against the Ammonites. Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni.
11 Joab said, "If Aram overpowers me, rescue me; if the Ammonites overpower you, I'll rescue you. Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura.
12 Be strong, let's be courageous for our people and our Father's cities. May our Father do what seems good to him." Iva nesimba tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvinomufadza.”
13 Then Joab and the troops with him advanced to fight the Arameans, and they fled before him. Zvino Joabhu navarwi vake vakaenda kundorwisa vaAramu, ivo vakatiza pamberi pake.
14 When the Ammonites saw the Arameans flee, they too fled before Abishai and entered the city. So Joab withdrew from the Ammonites and came to Jerusalem. VaAmoni pavakaona vaAramu vachitiza, vakatiza pamberi paAbhishai, ndokupinda muguta. Saka Joabhu akadzoka kundorwisa vaAmoni akasvika kuJerusarema.
15 When the Arameans saw that they had been routed by Israel, they regrouped. VaAramu vakati vaona kuti vakundwa navaIsraeri, vakaunganazve.
16 Hadadezer summoned the Arameans beyond the Euphrates; they came to Helam, with Shobach, commander of Hadadezer's army, leading them. Hadhadhezeri akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri.
17 When David heard, he gathered all Israel, crossed the Jordan, and reached Helam. The Arameans lined up against David and fought him. Dhavhidhi akati azvinzwa, akaunganidza vaIsraeri vose, vakayambuka Jorodhani vakaenda kuHeramu. VaAramu vakazvigadzirira kuti vasangane naDhavhidhi uye vakarwa naye.
18 But the Arameans fled before Israel. David killed 700 of their charioteers and 40,000 horsemen, then struck down Shobach, their army commander, who died there. Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo.
19 When all Hadadezer's vassal kings saw they were defeated by Israel, they made peace with Israel and served them. So the Arameans were afraid to help the Ammonites again. Madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri akati aona kuti akundwa navaIsraeri, akayanana navaIsraeri uye akava pasi pavo. Saka vaAramu vakatya kubatsira vaAmoni zvakare.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]