Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, David defeated the Philistines and subdued them, and he took Metheg-ammah from the Philistines. Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia.
2 He also defeated Moab. He made them lie on the ground and measured them with a cord: two lengths to die, one full length to live. So Moab became David's servants and brought tribute. Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chikamu chimwe chete kubva muzvitatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero.
3 David also defeated Hadadezer son of Rehob, king of Zobah, as he went to restore his control at the Euphrates River. Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha, paakaenda kundotorazve nyika yaiva mujinga morwizi Yufuratesi.
4 David captured from him 1,700 horsemen and 20,000 foot soldiers, and hamstrung all the chariot horses, keeping enough for one hundred chariots. Dhavhidhi akamutorera ngoro dzamabhiza chiuru, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vaifamba netsoka zviuru makumi maviri. Akaremadza makumbo eshure amabhiza ose kusiya kwezana rimwe chete raikweva ngoro.
5 When Aram of Damascus came to help Hadadezer king of Zobah, David killed 22,000 Arameans. Zvino vaAramu veDhamasiko vakati vauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri pakati pavo.
6 David set garrisons in Aram of Damascus, and the Arameans became his servants, bringing tribute. Our Father gave David victory wherever he went. Akaisa mapoka avarwi munyika yavaAramu yeDhamasiko, vaAramu vakava varanda vake vakabvisiswa mutero. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwose kwaakaenda.
7 David took the gold shields that belonged to the servants of Hadadezer and brought them to Jerusalem. Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzakanga dziri dzamakurukota aHadhadhezeri, akauya nadzo kuJerusarema.
8 And from Betah and Berothai, cities of Hadadezer, King David took a great quantity of bronze. Mambo Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo kubva paTebha neBherotai, maguta akanga ari aHadhadhezeri.
9 When Toi king of Hamath heard that David had defeated the entire army of Hadadezer, Zvino Tou mambo weHamati akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri,
10 he sent his son Joram to King David to greet and congratulate him for fighting and defeating Hadadezer, who had been at war with Toi. Joram brought items of silver, gold, and bronze. akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza pamusoro pokukunda kwaakanga aita Hadhadhezeri pakurwa, uye akanga amborwisana naTou. Joramu akauya nemidziyo yesirivha neyegoridhe neyendarira.
11 King David dedicated these also to our Father with the silver and gold he had dedicated from all the nations he subdued, Mambo Dhavhidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti:
12 from Aram, Moab, the Ammonites, the Philistines, Amalek, and the plunder of Hadadezer son of Rehob, king of Zobah. Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha.
13 David made a name for himself returning from striking down 18,000 Edomites in the Valley of Salt. Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu.
14 He put garrisons throughout Edom—in all Edom he placed garrisons—and all the Edomites became servants to David. Our Father gave David victory wherever he went. Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda.
15 So David reigned over all Israel, administering justice and righteousness for all his people. Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose.
16 Joab son of Zeruiah commanded the army; Jehoshaphat son of Ahilud was the court recorder; Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo,
17 Zadok son of Ahitub and Ahimelech son of Abiathar were priests; Seraiah was the court secretary; Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori;
18 Benaiah son of Jehoiada commanded the Kerethites and the Pelethites; and David's sons were priests. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]