Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When the king had settled in his house, and our Father had given him rest from all his surrounding enemies, Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,
2 the king told Nathan the prophet, "Look now, I live in a house of cedar, but our Father's ark stays in a tent." akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.”
3 Nathan told the king, "Go, do all that's in your heart, for our Father is with you." Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.”
4 But that same night the word of our Father came to Nathan: Usiku ihwohwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti:
5 "Go tell my servant David: This is what your Father says: 'Are you the one to build me a house to live in? “Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiwe here ungandivakira imba yandingagara?
6 I have not lived in a house since I brought Israel up from Egypt until now, but have moved from place to place with a tent for my dwelling.' Ini handina kumbogara mumba kubva zuva randabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi. Ndanga ndichifamba munzvimbo nenzvimbo ndichigara mutende.
7 Wherever I moved with all Israel, did I ever say a word to any leader I commanded to shepherd my people, 'Why haven't you built me a house of cedar?' Pose pandaifamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe wavatongi vavo vandakarayira kuti vafudze vanhu vangu vaIsraeri, “Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?” ’
8 Now tell my servant David: This is what the Father of heaven's armies says: 'I took you from the pasture, from following the flock, to rule my people Israel. “Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri.
9 I was with you wherever you went, and cut off all your enemies before you. I will make your name great, like the greatest on earth. Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika.
10 I will provide a place for my people Israel and plant them there to live undisturbed in their own place. Violent men will no longer oppress them as before, Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzazve, sezvavakaita pakutanga
11 from when I appointed judges over my people Israel. I will give you rest from all your enemies. Your Father also declares to you that he himself will make you a house. nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose. “ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba:
12 When your days end and you rest with your ancestors, I will raise up your offspring after you, who comes from your own body, and I will establish his kingdom. Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake.
13 He will build a house for my name, and I will establish his kingdom's throne forever. Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi.
14 I will be his Father, and he will be my son. When he sins, I will discipline him with a human rod, with blows human hands deal, Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu.
15 but my covenant love will not leave him, as I removed it from Saul, whom I removed from before you. Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako.
16 Your house and your kingdom will endure forever before me; your throne will be established forever.'" Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”
17 Nathan reported to David all these words and this entire vision. Natani akazivisa Dhavhidhi mashoko ose ezvaakanga aratidzwa.
18 Then King David went in and sat before our Father, and said: "Who am I, Sovereign Father, and what is my house, that you brought me this far? Zvino Mambo Dhavhidhi akapinda akandogara pamberi paJehovha, akati: “Ko, ini ndini aniko zvangu, nhai Ishe Jehovha, uye mhuri yangu chiiko, zvamandisvitsa pano?
19 As if this were a small thing in your eyes, Sovereign Father, you have also spoken of your servant's house far into the future. Is this your way with all humanity, Sovereign Father? Uyezve sezvinonzi izvi hazvina kukwana pamberi penyu, nhai Ishe Jehovha, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Nhai Ishe Jehovha Mwari, izvi ndizvo zvamunogara muchiitira vanhu here?
20 What more can David say to you? For you know your servant, O Sovereign Father. “Ko, Dhavhidhi angareveizve kwamuri? Nokuti munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha.
21 For your word's sake and your own heart, you have done all this greatness, making it known to your servant. Nokuda kweshoko renyu uye maererano nokuda kwenyu, maita chinhu ichi chikuru uye machizivisa kumuranda wenyu.
22 So you are great, Sovereign Father. There is none like you, and no God but you, from all we have heard with our own ears. “Haiwa muri mukuru, imi Ishe Jehovha! Hakuna mumwe akafanana nemi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu.
23 Who is like your people Israel, the one nation on earth our Father went out to redeem as a people for himself, making a name for himself, doing for you great and awesome things—driving out nations and their gods before your people, whom you redeemed for yourself from Egypt? Uye ndorupi rumwe rudzi rwakaita savanhu venyu vaIsraeri, irwo rudzi panyika rwakadzikinurwa naMwari kuti vave vanhu vake, uye kuti azviitire zita, uye kuti aite zvinhu zvikuru zvinoshamisa nokudzinga marudzi navamwari vawo pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura kubva muIjipiti?
24 You made your people Israel your own forever, and you, our Father, became their Father. Makasimbisa vanhu venyu vaIsraeri kuti vave venyu nokusingaperi, uye imi, Jehovha, mava Mwari wavo.
25 And now, our Father, keep forever the word you spoke about your servant and his house, and do as you promised.' “Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari, simbisai nokusingaperi shoko renyu ramakataura pamusoro pomuranda wenyu neimba yake. Itai sezvamakavimbisa,
26 Your name will be great forever, and people will say, 'The Father of heaven's armies is God over Israel.' The house of your servant David will stand firm before you. kuti zita renyu rikudzwe nokusingaperi. Zvino vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari weIsraeri!’ Zvino imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
27 For you, Father of heaven's armies, God of Israel, revealed this to your servant: 'I will build you a house.' So your servant found courage to pray this prayer to you. “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, makaratidza izvi kumuranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’ Naizvozvo muranda wenyu atsunga kunyengetera, munyengetero uyu.
28 And now, Sovereign Father, you are God, your words are true, and you promised this good thing to your servant. Haiwa Ishe Jehovha, muri Mwari! Mashoko enyu ndeechokwadi, uye mavimbisa zvinhu zvakanaka kumuranda wenyu.
29 So now, please bless your servant's house, that it may last forever before you. For you, Sovereign Father, have spoken, and with your blessing your servant's house will be blessed forever." Zvino ngazvikufadzei kuti muropafadze imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha Mwari, mazvitaura, uye namaropafadzo enyu, imba yomuranda wenyu icharopafadzwa nokusingaperi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]