Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Once again David gathered all the chosen men of Israel, 30,000. Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru.
2 David set out with all his people from Baale-judah to bring up from there the ark of our Father, called by the Name, the name of the Father of heaven's armies seated on the cherubim. Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka.
3 They put the ark of our Father on a new cart and brought it from Abinadab's house on the hill; Uzzah and Ahio, sons of Abinadab, drove the new cart, Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi
4 with the ark of our Father, and Ahio walked ahead of the ark. areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo.
5 David and all the house of Israel celebrated before our Father with all their might—songs, lyres, harps, tambourines, castanets, and cymbals. Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matambureni, ngoma dzamatare namakandira.
6 When they arrived at Nacon's threshing floor, Uzzah reached out and grabbed our Father's ark, for the oxen had stumbled. Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.
7 The anger of our Father burned against Uzzah; he struck him there for his irreverence, and he died there beside the ark of our Father. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari.
8 David was angry that our Father broke out against Uzzah; the place is still called Perez-uzzah today. Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza.
9 David feared our Father that day and said, "How can the ark of our Father come to me?" Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?”
10 David refused to bring the ark of our Father into the City of David, taking it instead to Obed-edom the Gittite's house. Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
11 The ark of our Father stayed three months in Obed-edom the Gittite's house, and our Father blessed Obed-edom and his whole household. Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza, iye neimba yake yose.
12 King David was told, "Our Father has blessed Obed-edom's household and all he owns because of the ark." So David went and brought the ark of our Father up from Obed-edom's house to the city of David, rejoicing. Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro.
13 When those carrying our Father's ark had gone six steps, David sacrificed an ox and a fattened calf. Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa.
14 Then David danced before our Father with all his might, wearing a linen ephod. Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose,
15 David and all the house of Israel brought up the ark of our Father with shouts and ram's-horn blasts. iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
16 As the ark of our Father entered the city of David, Michal, Saul's daughter, looked down from the window and saw King David leaping and dancing before our Father—and despised him in her heart. Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.
17 They brought in the ark of our Father, set it in its place inside the tent David had pitched for it, and David offered burnt and peace offerings before our Father. Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
18 Once David finished offering burnt offerings and peace offerings, he blessed the people in the name of the Father of heaven's armies. Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose.
19 He gave all the people—Israel's whole crowd, man and woman alike—to each one a loaf of bread, a date cake, and a raisin cake. Then everyone went, each to his own home. Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.
20 When David returned to bless his own household, Michal the daughter of Saul came out to meet him and said, "How the king of Israel has honored himself today, uncovering himself before the eyes of the household servant girls, as any vulgar man would shamelessly uncover himself!" Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvisimudzira sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.”
21 David told Michal, "It was before our Father, who chose me over your father and all his house to make me ruler over our Father's people, over Israel. So I will celebrate before him. Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.
22 I will humble myself even more than this, low in my own eyes; but with the maidservants you spoke of, with them I will be honored." Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”
23 And Michal the daughter of Saul had no child until the day she died. Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]