Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 All the tribes of Israel came to David at Hebron and said, "We are your own flesh and blood. Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu.
2 Before, when Saul was our king, you led Israel out and brought them home. And our Father told you, 'You will shepherd my people Israel and be ruler over Israel.'" Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ”
3 All Israel's elders came to the king at Hebron, where King David made a covenant with them before our Father, and they anointed David king over Israel. Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri.
4 David was thirty years old when he became king, and he reigned forty years. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana.
5 In Hebron he reigned over Judah seven years and six months, and in Jerusalem thirty-three years over all Israel and Judah. MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu.
6 Then the king and his men marched on Jerusalem against the Jebusites living there. They taunted David, "You'll never get in here; even the blind and lame can turn you back"—thinking, "David can't get in here." Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.”
7 Nevertheless David captured the stronghold of Zion, that is, the city of David. Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
8 That day David said, "Whoever strikes down a Jebusite must reach the water shaft to strike the lame and blind, hated by David's soul." So they say, "The blind and lame won't enter the house." Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “ ‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.”
9 David settled in the stronghold and named it the City of David. He built up the area all around, from the Millo inward. Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati.
10 And David grew greater and greater, for our Father, the God of heaven's armies, was with him. Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye.
11 Hiram king of Tyre sent David messengers, cedar logs, carpenters, and stonemasons, and they built David a house. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda.
12 David knew our Father had established him as king over Israel and had exalted David's kingdom for the sake of our Father's people Israel. Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri.
13 After leaving Hebron, David took more concubines and wives from Jerusalem, and more sons and daughters were born to him. Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana.
14 These are the names of the children born to him in Jerusalem: Shammua, Shobab, Nathan, and Solomon, Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni,
15 Ibhar, Elishua, Nepheg, Japhia, Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia,
16 Elishama, Eliada, and Eliphelet. Erishama, Eriadha naErifereti.
17 When the Philistines heard David had been anointed king over Israel, they all marched up to look for him. But David heard of it and went down to the stronghold. VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwidza vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.
18 Now the Philistines had come and spread out across the Valley of Rephaim. Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimi.
19 David asked our Father, "Should I attack the Philistines? Will you hand them over to me?" And our Father answered David, "Go ahead—I will surely hand the Philistines over to you." Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.”
20 So David went to Baal-perazim and defeated them there. He said, "Our Father has burst through my enemies before me like a bursting flood." So he named that place Baal-perazim. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu.
21 The Philistines abandoned their idols there, and David and his men carried them off. VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.
22 Once more the Philistines came up and spread out across the Valley of Rephaim. VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimi;
23 When David asked our Father, he answered, "Don't go straight up. Circle behind them and attack them opposite the balsam trees. saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akapindura akati, “Musakwidza makavananga, asi potererai nokumashure kwavo mugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu.
24 As soon as you hear marching in the tops of the balsam trees, move fast, for then your Father will have gone out ahead of you to strike down the Philistine camp." Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.”
25 So David did exactly as our Father had commanded, striking down the Philistines from Geba to Gezer. Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]